Seed Co ‘yodyara’ dzidzo

Ed4
Muzvare Marjorie Mutemererwa

Daphne Machiri
KAMBANI huru pakuuchika mbeu munyika, yeSeed Co, iri kuenderera mberi nechirongwa chayo chekusimudzira dzidzo munyika zvichitevera kubatsira kwairi kuita vana vechikoro nherera nekuvabhadharira mari dzedzidzo pamwe nekuvakisa dzimba dzekudzidzira pachikoro cheSt Marnocks Primary School, kwaZvimba.

Vachitaura pachikoro ichi svondo rapera, mukuru wezvekufambiswa kwemashoko muSeed Co Group, Muzvare Marjorie Mutemererwa vakati donzvo rekambani yavo nderekuti vana vanoshaya vawane mukana wekudzidza sezvinongoita vamwe.

“Vana vechikoro ava ndivo Zimbabwe yemangwana, naizvozvo takaona zvakakosha kuti kambani yedu ibatsire vana vanoshaya pamwe nenherera kuti vaende kuchikoro,” vakadaro Muzvare Mutemererwa.

“Ndinotenda varairidzi vavo nekushanda nemoyo wose mukudzidzisa vana.”

Chikoro ichi chine vana vanoshaya vanosanganisira nherera vanodarika 180 avo vanobhadharirwa mari dzechikoro.

“Sekambani, tine vana 20 vatinobhadharira mari dzechikoro paSt Marnocks nezvimwe zvikoro zvakasiyana. Naizvozvo ndinokurudzira vana vechikoro kuti vashande nesimba nekuti dzidzo inhaka yeupenyu,” vakadaro Muzvare Mutemererwa.

Mukuru wechikoro ichi, VaMichel Mashiri, vakatenda rubatsiro rwavari kuwana kubva kuSeed Co nemamwe makambani.

“Vadzidzisi vedu takavavakira dzimba, tikakwanisa kuvaka dzimba dzekudzidzira nekutenga mabhuku evadzidzisi neevana vechikoro,” vakadaro VaMashiri.

Vanoti vane chishuwo chekuti varambe vachisimudzira zvidzidzo zveE-Learning pachikoro chavo.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×