Muchaneta Chimuka
MUNYAYA inokahadzisa zvikuru, mamwe maroja ekuChitungwiza akarwira mashizha emuti wemukotopeya mumwe wavo akasara akuvara zvakaipisisa.
Felistas Makamba (25) wepanhamba 1852 kuSt Mary’s akabatwa nemhosva yekurwisa mumwe waanoroja naye anonzi Otilia Mushunje (34) achimupomera mhosva yekusvibisa chivanze apo aitemha makotopeya mumuti, mashizha acho achidonhera pasi.
Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate Courts, Tendai Mutamba, akapa Makamba chirango chekubvisa faindi yeRTGS$80 uye kukundikana kwake achagara mujeri kwemwedzi uzere.
Muchuchisi Farai Katonha akaudza dare kuti nemusi wa2 Chikumi gore rino munguva dzemanheru, Mushunje aitemha makotopeya mumuti uye panguva yaaiita izvi, mazhizha emuti uyu aidonhera pasi.
Izvi hazvina kufadza Makamba izvo zvakaita kuti pakamuke gakava pakati pevaviri ava izvo zvakaona Makamba achirova Mushunje nezvibhakera nembama kumeso kakawanda kudzimara azvimba.
Mushunje akanorapwa kuchipatara uye magwaro ekwachiremba akabuda mudare seumboo.
Makamba anobvuma mhosva yake asi anopa chikonzero chekuti akarova Mushunje mushure mekunge amutuka.



