Akaba chingwa nemajarini acho

Muchaneta Chimuka
MURUME wekuChitungwiza akamiswa mudare reko nemhosva yekuba girosari raisanganisira rofu rechingwa nemajarini acho.

Girosari rakabiwa muchitoro cheTM Pick n Pay Supermarket rose rinokosha RTGS$67,84 .

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Tendai Mutamba, akapa Simbarashe Chinyakata (41) wepanhamba 131 Unit F chirango chekubvisa faindi yeRTGS$134,68 uye kukundikana kwake achanogara mujeri kwemwedzi wose.

Muchuchisi Itai Beulah Chikono akaudza dare kuti nemusi wa2 Chikumi munguva dzemasikati, Chinyakata akapinda muchitoro cheTM Pick and Pay chiri paMakoni achibva aisa girosari mungoro (trolley).

Girosari iri raisanganisira rofu rimwechete rechingwa, 2kg furawa, mushonga webhutsu mumwechete, 500g jamhu, 250g majarini, 500ml lacto, 250g polony, sipo dzerudzi rweJade mbiri ne2kg yemupunga.

Chinyakata akabva asunda ngoro yaive negirosari iri achibuda muchitoro asina kubhadhara.

Zvisinei, midzimu yake yakabva yadimbura mbereko apo akabatwa nemupurisa anomema muchitoro ichi, Isaac Manhanga, achibva akundikana kuburitsa risiti inoratidza kuti ainge abhadharira zvinhu izvi.

Akatanga kutaura achiruma-ruma rurimi achiti pane mumwe munhu ainge amubhadharira asi zvakashaya umboo zvikaita kuti asungwe.

Chinyakata anobvuma mhosva yake yekuba.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *