Mashura pakati peHarare

  • Mupositori aine zvinhu zvechivanhu

  • Akatadzisa mota nevanhu kufamba

MUKADZI anonamata kuchechi yeJohane Masowe yeNguwo Tsvuku Nyenyedzi Nomwe nemusi weChina svondo rino akakonzeresa nyonga-nyonga pakati peguta reHarare apo akaunganidza hungwanda-ngwanda hwezvinhu zvechivanhu sezvinoshandiswa nen’anga nemasvikiro pakati pemigwagwa motokari nevanhu vakatadza kufamba zvakanaka.

Vanhu vaizviendera kumabasa nekudzimwe nzendo vakazongoona firimu remahara apo mukadzi uyu aiunganidza zvinhu zvaisanganisira machira emaretso, mamwewo matema nematsvuku, matehwe, tsvimbo, zvimiti, mireza, machira akanyorwa, makano, mapakatwa nezvimwe zvinotyisa panosangana mugwagwa waSam Mujoma naNkwame Nkrumah.

Onai vhidhiyo iyi:

Motokari dzakatadza kufamba zvakanaka kuchiti vanhu vaimhanyidzana kuda kunoona, vamwe vachitora mifananidzo nemafoni.

Nekuda kwenyonga-nyonga yakakonzereswa nemukadzi uyu, motokari mbiri dzakaguma dzaita tsaona panzvimbo iyi.

Tendai Charuka (48), uyo anoti anobva kwaNechavava, kuBuhera, akange aine mitundu yezvinhu izvi achiti ainge atumwa nezwi raMwari.

Pazvinhu zvake paivawo nenhembe, miseve, nhovo nemiswe yemhuka.

“Zvandinoita ndinotumwa naMwari, ndinogara kuColbrough (muHarare) panhamba 3064. Ndabva kumba ndikaenda kugomo uko ndanga ndichinamata. Ndatumwa nezwi kudenga kuti nguva yakwana, enda unoita zvandakakudzidzisa. Ndakarara ndanzi nyora pajira kuti ‘Africa yotinhira’,” akadaro mhomho yevanhu ichinzwa.

Charuka anoti akafirwa nemurume uye ane mwana mumwe chete.

Anoti akamuka mangwanani emusi uyu ndokuudzwa nemweya kuti aende panosangana mugwagwa waHigh Glen naHin.

Asvika panzvimbo iyi, anoti akazonzi zvakere nemweya aende panosangana mugwagwa waSam Mujoma naNkwame Nkrumah.

Mukadzi uyu anoti haasi muporofita kana n’anga kunyange aiva nezvinhu zvechivanhu izvo anoti ndezve madzitateguru ake.

“Izvozvi ndine chiga chandiri kunamatira, chemvura yaida kuuya ichiuraya vanhu. Zvandinoita zvose ndinoita zvekurotswa sanhasi ndamutswa na4 mangwanani kuti ndizoita izvi,” akadaro.

Akati kuti asvike panzvimbo apa, akatakurwa nemotokari iyo akabhadhara $2.

Aive nevamwe vanhukadzi vaviri vaimutakurira mabhegi avo vakaramba kutaura mazita avo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *