Madunhurirwa

Ticha Danga
MUKURARAMA kwatinoita pasi rino, tinosiyana maitiro atinoita zvinhu. Kana muri munharaunda matiri, tinotoziva kuti mwana uyu imbavha kana kuti itsotsi nekuti tinoziva mabasa ake. Muchirongwa chino tinoda kutarisa vanhu nemabasa avanoita tichipa mazita avanozodunhurirwa.

Mwana achangobviswa pazamhu anonzi ndumurwa kana chindumure. Munhu anodisiswa nemurume pakati pavamwe vakadzi pabarika anonzi nyachide kana svovi.

Murume ari kuchata anonzi chikomba, muchati kana kuti muchatwa.

Kana ari mukadzi ari kuchata anonzi mwenga kana kuti muchati. Munhu waunodisisa anonzi mudiwa, vamoyo kana kuti vaganda. Mudiwa wako unogona zvakare kumuti hwanzo.

Mwana anoberekwa nguva yake yekuzvarwa isati yasvika anonzi gavamwedzi. Kana akaberekwa mwedzi yake yakakwana ava kunzi rushiye kana kuti rusvava.

Kana ari mwanasikana achiri wechidikidiki vekumakore anosvika mashanu kana manomwe ava kunzi punha. Kana ava mwanasikana achangobuda mazamu anonzi bunha. Ndivo vaya vanenge votumika twumabasa twuduku twepamba.

Mhandara ndidzo dzinenge dzoenda nezvirongo kutsime nekunotsvaga huni. Mhandara ndidzo dzinenge dzava kungona kuzvishambidza, dzava pazera rekuroorwa.

Munhu anobva kuneimwe nyika anonzi mubvakure. Kune vamwe varume vanodzikama kana vari kunze asi kungoona musuwo wemba yavo vanomuka chibhebhenenga kupenga. Varume ivava vanonzi mhengeramumba.

Kune vanhukadzi vanogona kukonzera kuti vanhurume vavarwire. Kazhinji inyaya dzekunge vachiita mesomeso dzokono vowanza vanhurume vekushamwaridzana navo. Vanhu ivava vanonzi mhesvamikono kana kuti rwise.

Munhu ane misikanzwa isingaiti anonzi tsvuuramuromo kana kuti ndambakuudzwa. Kana achishinwa anonzi shinwi. Uya anotanga kana kudenha vamwe anonzi nhunzvatunzva.

Vamwe vanhu havagari pasi. Vanoswera vachingotingura muswere wose wezuva. Ndivo vanodaidzwa kuti vana gunzvezve.

Ndivavo zvakare vana swerakuenda mukuwasha wezuva.

Kana hondo ikapisa munyika kana dunhu, vamwe vanhu vanotiza vachienda kuzvimbo nenyika dzine runyararo. Ivava vanodaidzwa kunzi vapoteri kana mhoteri. Vanhu vamwe vanopambwa pahondo kana yatsviriridza tobva tavadaidza kuti nhapwa kana chibochwa.

Kune vanhukadzi vanoti vakaroorwa vane murume, vodanana nemumwe murume kusvika pakutoenda nemurume iyeye. Mhando yevakadzi verudzi urwu vanonzi tsvingu kana tsvingudzi. Munhu anogara achingorwara-rwara anonzi ndonda kana kuti macharangwanda. Mukadzi anofamba achishereketa nevarume vese-vese anonzi chifeve.

Munhu anoba achiita zvekuvhomora zvinhu muhomwe dzevamwe anonzi mvangamakomwe.

Mukuwasha kana muroora anotanga kuroora kana kuroorwa mumusha anonzi nhangaruvanze.

Munhurume asingabereki anonzi tsore kana kuti han’a. Anonzi zvakare ngomwa. Vamwe vanhu vanogerwa misoro vachisiiwa vhudzi kune rimwe divi vanonzi vana nyabeu. Vamwewo vanhu vanoita zvinhu zvavo vega ndivo vanodunhurirwa kunzi ana mbimbindoga.

Kune varume vakasvika vane zimhumhu ziguru uye vaine simba ramakoko. Mhando dzengangara dzevarume dzakadai dzinodaidzwa kuti mbuswe kana kuti hamburamakaka. Zirema remurume rinonzi mbwatama, mbarara, shwete kana chipukupuku.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×