Matambudziko eAfrika

Munyaradzi Gunduza
SARUDZA nhetembo mbiri dziri muna Rukuvhute dzinojekesa mamwe tambudziko anowira zvizvarwa zvemuAfrica.

Nhetembo dzinoenderana nematambudziko anowira vanhu muAfrica ndeidzi; Kunemi vana vemuAfrica naMatsotsi haagerani.

Detembo rekutanga rinoenderana nedingindira rematambudziko anowira vanhu muAfrica anoburitswa muna Rukuvhute ndiKunemi vana vemuAfrika.

Nyanduri anoti nguva yekufara chaiyo nekugara zvakanaka hapachina kuzvizvarwa zvemuAfrika sepaanoti, “Zviya zvekuti pwere dzaipembera kutinhira kwemupande dzangova ndangariro.”

Nyanduri anoti vanhu vemuAfrika vave kugara vachingochema nekuridzwa kwepfuti sepaanoti, “Zvava kuitika kwadziri pwere kuchema kutinhira kwegidi.” Vanhu vemuAfrika vave kugara vachingotiza pamwe nekuhwanda muvengi kuti asavabaye nepfuti sepanonzi, “Zvave kuitika kupwere kugara dzingongohwanda chimvuramabwe chemabara.”

Chimwe chiri kushungurudza nyanduri maererano nematambudziko ari kuwira Afrika ndechekuti vanhu vari kugara vachingofa vakawanda sepanonzi, “Zvava kuitika kupwere kugara dzichikanya matope eropa.”

Nyanduri anoti vanhu vemuAfrika vapererwa sezvo vakuru vave kugara vachingochema pamberi pevana asi vasina zano sepaanoti, “Zvave kuitika ndezvekuti vakuru vave kungosvimha, vapwere vakatarisa.”

Nyanduri anoti minamato yevanhu vemuAfrika haisi kudavirwa sepaanoti, “ichiteurwa minamato isina mudaviri.”

Nyanduri anoti vanhu vemuAfrika havasisina kugara zvakanaka sepaanoti, “Pwere hadzichaziva chinonzi rufaro.” Nyanduri anoti vanhu vemuAfrika havana pekugara pakanaka sepaanoti, “Vana havachazive chinonzi musha.”

Nyanduri anopedzisira nekuti matambudziko ose aya ari kukonzerwa nehutungamiri hunotungamidza mari mberi sepaanoti, “Nekuda kwake munhu anotungamidza simba repondo pamberi.”

Svondo rinouya tinoita ongororo yerimwe detembo rasara.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *