Vana vepaGrombridge vorumbidza Kwayedza

Abel Ndooka
VANA vepachikoro cheGroombridge Primary School, muHarare, vanorumbidza bepanhau reKwayedza vachiti riri kuvabatsira zvikuru muzvidzidzo zvavo zveShona.

Vakataura mashoko aya svondo rapera pachikoro chavo pagungano reCareer Guidance Day apo vaipihwa mazano nevemakambani nemapoka akasiyana pamusoro pemabasa avanokwanisa kuzoita kana vachinge vapedza chikoro.

Denzel Mabhodo – uyo ane makore 11 ekuberekwa achidzidza muGrade 6 pachikoro ichi – anoti svondo haridarike asina kuverenga Kwayedza.

“Mukirasi medu murairidzi wedu anotikurudzira kuverenga Kwayedza nekuti rinotidzidzisa Shona yakanaka uye rinotibatsira pakunyora rondedzero.

“Panyaya dzese dzandakaverenga muKwayedza, ndakanakidzwa zvikuru neyen’anga inoti inosota varume,” anodaro Denzel.

Mashoko ake anotsinhirwa naWinstone Chisikarozwi (12) uyo ari kuita Grade 6, achiti Kwayedza riri kumubatsira zvikuru muzvidzidzo zvake zveShona.

“Kwayedza ndiko kudya kwangu, kana ndikasariverenga hazvindifambire zvakanaka.

“Nyaya dzemo dzinonakidza zvikuru uye dzinotidzidzisa. Nyaya yandinogara ndichiverenga nguva nenguva ndeyaSekuru Booster iyo yakandisekesa zvikuru,” anodaro Winstone.

Sekuru Booster – mumwe wen’anga dzenhema dzinoita hutsikamutanda – akabuda muKwayedza nguva yadarika apo aishopera ari musvo pane rimwe purazi rekuMarondera.

Vana tsikamutanda havatenderwe kufamba vachipumha vanhu huroyi muZimbabwe uye kwavaenda vanosiya vanhu kana kuti mhuri dzisisawirirane nekuda kwemabasa avo.

Vamwe vana vepachikoro ichi vakaita saVincent Solomon naWayne Mahuma (13) vanotiwo vari kudzidza zvakawanda kuburikidza neKwayedza.

Kwayedza rine zvikamu zvakasiyana-siyana zvinobatsira vana vechikoro mukunyora bvunzo dzavo seongororo yemabhuku anoshandiswa pabvunzo dzeO- neA-Level pamwe chete neGrade 7.

Zvichakadai, pagungano iri vana vepachikoro ichi nevamwe vekuzvimwe zvikoro vakapangwa mazano pamusoro pemabasa akadai sekuvaka nekugadzira magetsi ayo vanogona kuzoita kana vapedza dzidzo yavo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *