Maticha 663 vakapedza zvidzidzo

VADZIDZI 663 avo vaiita zvidzidzo zvehurairidzi paBelvedere Technical Teachers College, muHarare, nguva pfupi yadarika vakapihwa magwaro ekupedza fundo yavo.

Pavadzidzi 663 ava, 373 vavo vanhukadzi.

Vachitaura pachiitiko ichi, mutevedzeri wegurukota redzidzo yepamusoro, sainzi pamwe nekusimudzirwa kwemichina, Dr Godfrey Gandawa, vakati zvakakosha kuti varairidzi vashande nesimba mukusimudzira upfumi hwenyika kuburikidza nekufundisa zvidzidzo zvemabasa emawoko zvakaita sekuvaka.

“Zvidzidzo zvemaTechnical Subjects (zvemabasa emawoko) zvakakosha zvikuru mukusimudzira upfumi hwenyika. Saka ndinoti vadzidzisi ngatirambei tiine moyo murefu mukupa ruzivo rwakadai kuvadzidzi. Ndinoda kutenda nekushingirira kwamakaita kuwana zvitupa,” vakadaro Dr Gandawa.

Principal weBelvedere Technical Teachers College, Mai Joanna Mbofana, vakati vacharamba vachibura vadzidzisi vemhando yepamusoro avo vachabatsira mukuvandudzwa kweupfumi hweZimbabwe.

“Isu sekoreji hatisi kudzokera shure mukubika vadzidzisi vane ruzivo rwakaomba , tinoda kuti vasimudzire zvidzidzo zvemakombiyuta nezvemabasa emawoko zvinova zvakanangana nechirongwa chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZim-Asset,” vakadaro Mai Mbofana.

Kubva gore ra1982 kusvika pari zvino koreji iyi yakabura vadzidzi vanosvika 11 914.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *