Imba haichagarikal ‘Kundidyisa muchetura iwe?’ l ‘Iwe ndokundirasira mbatya’

Kudakwashe Chinokuya
VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe murume akati mukadzi wake aida kumuuraya zvichitevera kumuisira kwaakaita muchetura muusavi nesadza.

Allan Nyamayaro akaudza mutongi wedare reHarare Civil Court, Barbra Mateko, kuti Memory Jimu, uyo akange amumhan’arira kudare iri achida gwaro redziviriro, akamuisira muchetura mune zvekudya.

Jimu akati ashaiswa rugare naNyamayaro sezvo akamurova pamwe nekumudzinga pamba.

“Ndakarohwa ndakadzingwa pamba nemurume uyu. Akanditsika pachipfuva changu akati haana mari yekutambisa kuti ndiende kunorapwa.

“Mbatya dzangu dzose akadzirasira panze achiti haachada kundiona zvakare. Pandinoti ndidzokere anopamha zvakare kundirova zvinova zvava kundishungurudza nekuti mhuri yangu ndinoida.

“Anoudza mwana kuti amai vako ngavakuratidze kuna baba vako chaivo nekuti iye anoti haasi baba vake. Ndinoda kudzokera kumba kwangu nekuti mazuva ano handichina pekugara pakafaranuka uyezve ndinoda kuchengeta mwana wangu wandakasiya,” akadaro Jimu.

Akati vakamborambana kwemakore gumi nenyaya yekushungurudzwa naNyamayaro asi akazomutevera kumba kwevabereki vake kuti vadzokerane.

“Takazodzokerana muna 2012 ndichiti pamwe tichagarisana asi zvakashaya basa,” akadaro.

Nyamayaro akapokana naJimu achiti chakaita kuti vapesane ndechekuti akange amuisira muchetura mumuriwo wekudya.

“Zvose zvaari kutaura ndezvekunyepa. Mukadzi uyu akandidyisa muriwo une muchetura ndakada kufa. Nyaya iri kunetsa ndeyekuti ari kuti ndiri kuita chipfambi nevavakidzani vedu.

“Hatichakwanisa kugarisana nevavakidzani nepamusana pake. Anovapomera mhosva dzakasiyana. Aigara achitengesa midziyo yepamba ndikamubvunza oti vavakidzani ndivo vakaba zvinova zvakaita kuti tipokane. Zvekuti adzoke kumba zvakare handioni sezvine pundutso nekuti rudo chairwo rwaramba pakati pedu,” akadaro Nyamayaro.

Mutongi Mateko akapa Jimu gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *