Maticha ngaagare tatata – Mathema

Nqobile Tshili ari kuBULAWAYO
ZVICHEMO zvematicha zvavari kusangana nazvo mubasa ravo zvinofanirwa kugadziriswa nechinangwa chekuti vashande nemazvo, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Ambassador Cain Mathema vanodaro.

Ambassador Mathema vakataura mashoko aya pamusangano wekukurukura zvirongwa zvebazi ravo zvegore rinouya uyo wakaitirwa kuBulawayo nemusi weMuvhuro svondo rino.

Vanoti varairidzi vari kugara mudzimba dzisina kukodzera uye mamiriro ezvinhu aya anofanira kusanduka nekukasika.
“Bazi rino, ndinoziviswa kuti rine varairidzi 130 000. Ava ndivo mauto angu semaziviro andinoita, ndivo masoja angu. Hangingatambire mamiriro ezvinhu ekuti mauto angu anogara akamanikidzana, maticha 10 muimba imwe chete.

“Ticha mumwe nemumwe anofanira kugara mumba yake. Hatingave nemamiriro ezvinhu ekuti maticha haakwanisi kugara akasununguka.

“Chikoro chisati chavakwa, tinofanira kuona kuti pava nemvura yemupombi uye chechipiri pachikoro chitsva pavakwa imba yemukuru wechikoro, tozovaka dzematicha nedzimba dzekudzidzira,” vanodaro Ambassador Mathema.
Vanoti kana pasina zvinoita kuti maticha ave nechidokwa-dokwa chekuita basa ravo, Hurumende inokundikana kuve nedzidzo yemhando yepamusoro-soro.

“Zvinonyadzisa kuona maticha achinochera mvura kurwizi Gwayi vakatakura migomo pamusoro munguva dzemangwanani vasati vaenda kuchikoro uye totarisira kuti vaite basa ravo nemazvo pakadaro?”

Ambassador Mathema vanoti maticha anofanirwa kubatsirwa kuti vavake dzimba dzavo nekutenga mimwe midziyo kuburikidza nezvikwereti muzvirongwa zvakaita sePublic Private Parterships (PPP).

Vanoti pane zvikoro zvine chitsama zvakaparadzwa nemvura yaive nedutu uye hurukuro dziri pakati kuitwa kuti pawanikwe mari yekuti zvivakurudzwe.

Ambassador Mathema vanoti vachaita hurukuro nePublic Service Commission (PSC) dzekuti papinzwe vanhu mabasa munzvimbo dzose dzine vakafanobata zvigaro muzvikoro nechinangwa chekuti basa riendeke.

“Ndichanyora tsamba kuna sachigaro (wePSC) kuitira kuti vanhu vapinzwe basa munzvimbo idzi,” vanodaro.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *