‘Futi ndiwe wakandizadza HIV’

Nyasha Bvudzijena

MURUME samusha akazochema-chema mudare redzimhosva achiti akagurwa kunorira nemudzimai wake uyo asina kumubudira pachena pavakaroorana kuti ari kurarama neutachiona hweHIV zvikazoita kuti amutapurire hosha iyi.

Kufakunesu Kembo akamhan’arira Tsitsi Magondo kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza mushure mekumuudza kuti haachamuda zvichitevera kumutapurira kwaakaita utachiona hweHIV.

Mutongi Tilda Mazhande akapa Kembo gwaro rinomudzivirira.

“Changamire, ndine bundu pamwoyo wangu nekuda kwamai ava. Vakandirwadzisa zvikuru nekusandiudza chokwadi kuti vanorwara. Ndakazoona mapiritsi emaARV akavigwa mumba uye pandakamubvunza akabvuma achiti ava nenguva achianwa asi aitya kutaura sezvo aisada kurambwa.

“Iko zvino ava kugara akanetsana neni nekundirwisa kunyangwe nekubasa nekuti ndakamubudira pachena kuti handichamuda,” anodaro Kembo.

Anoti aifunga kuti azowanawo mudzimai kwaye sezvo waakanga akaroora pakutanga akawana atiza pamusha atoroorwa nemumwe murume apo akange ari kujeri.

“Pandakadzoka kutirongo mushure mekupika makore maviri, ndakawana mudzimai aenda musha waparara. Ndipo pandakazoroora mai ava ndichitofunga kuti ndagona, asi ndakatozviparira nekuisa upenyu hwangu panjodzi,” anodaro Kembo.

Magondo anoti murume wake ndiye ari kutomushungurudza.

“Murume wangu kubvira ndichiri nenhumbu kusvika mwana achifa, akati ndizvionere. Ini handidi kubva pamba apa nekuti ndiri kutodawo nguva yekuti ndimbozorodza pfungwa dzekufirwa uye muviri wangu hausati wasimba kubva pakusungunuka,” anodaro Magondo.

Anoti murume wake ave nemumwe mukadzi waari kufambidzana naye uye izvi zviri kumurwadza zvikuru.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *