‘Mavhidhiyo, mhanzi ngazvive hochekoche’

Abel Ndooka
SHASHA yekubika mavhidhiyo emimhanzi – Anyway Mukumanhenga – anoti mavhidhiyo aya anobatsira zvikuru kududzira zvinenge zvichiimbwa uye kudzidzisa vatsigiri zvakasiyana-siyana zvinosanganisira tsika nemagariro kana achinge abikwa zvemandorokwati.

Mukumhanhenga uyo ane studio yake inonzi Blackspider Prodictions anobika mavhidhiyo evaimbi vakasiyana vanosanganisira Mostaff naRas Kelly mwanakomana waKapfupi, Tichaona Tasara naJustice T Chimuramba.

Chero zvazvo vaimbi vachizongopihwa mbiri pamhanzi yavanenge vabika uye vaparura mavhidhiyo, pane basa guru rinenge raitwa nevanobika mavhidhiyo aya.

Mukumanhenga anoti mavhidhiyo ndiyo nzira yekutengesa mhanzi mazuva ano sezvo achibatsira vanhu kuti vadzidze zvakawanda.

“Vamwe vaimbi vemuno vachiri vakati sarirei pakubika mavhidhiyo, chavasingazive ndechekuti mukore uno mavhidhiyo ndiwo nzira yekutengesa mhanzi asi hunge rakanyatsobikwa zvakanaka uye zvinenge zvichiimbwa zvirizvo zvinobuda pavhidhiyo iri.

“Vamwe vanongobika vhidhiyo zvekunzi vangoita vhidhiyo asi pasina chinovaraidza chinenge chichibuda ipapo. Vakomana veZim-dancehall iye zvino vari pamberi pakubika mavhidhiyo izvo zviri kubatsira mhanzi yavo kuti irambe ichisimukira uye ichienda mberi,” anodaro Mukumanhenga.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×