Mavigirwo matsva evafa neCovid-19

Muchaneta Chimuka
BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinotsanangudza nyaya yekufambiswa kwezvitunha uye mavigirwo evanhu vanofa neCovid-19 richiti mitumbi yevanenge vashaya nechirwere ichi bedzi ndiyo ichavigirwa muguta, dhorobha kana kuti kunzvimbo dzavanenge vafira.

Vamwe vanenge vashaya nezvimwe zvikonzero kana zvirwere vachavigwa kunzvimbo dzinodiwa nemhuri dzavo.

Kune avo vanoda kunoviga hama dzavo kunze kwenzvimbo dzavanenge vafira, panenge pachifanirwa kuonekwa kuti mitumbi iyoyo yaputirwa zvakasimba (hermetical sealing) uye iri mumabhokisi akasimba (triple coffin). Mutumbi unoitwa izvi usati wabva kumakambani anoona nezvekuvigwa kwevafi kana kumochari.

Bazi rezveutano nekurerwa kwevana rinotsanangudza nyaya iyi zvichitevera kusanzwisisa kwange kuri muvanhu apo vazhinji vange vave kufunga kuti mitumbi yevanhu vose vanenge vashaya munyika haichaendeswa kunzvimbo dzinodiwa nehama dzavo.

“Bazi rezveutano nekurerwa kwevana rinoda kuzivisa veruzhinji kuti raisa mutemo mutsva maringe nenyaya dzekufambiswa kwezvitunha uye mavigirwo azvo munyika. Chinangwa chedu ndechekuderedza kutekeshera kwechirwere cheCovid-19 nekudaro mitumbi yevanenge vashaya nechirwere cheCovid-19 ichavigwa munzvimbo mafira vanhu vacho,” rinodaro bazi iri.

Rinotsanangura zvekare kuti mapurisa anokwanisa bedzi kupa mvumo yekufambiswa kwemutumbi kubva kumochari kana kumakambani anoona nezvekuvigwa kwevafi kusvika panzvimbo yaunovigirwa.

Hakuna anobvumirwa kuona chitunha chacho uye hakuna mitumbi inoendeswa kudzimba.

“Veruzhinji vanokurudzirwa kuti vamire chinhambwe chemamita mana kubva panzvimbo inenge ichivigirwa chitunha cheCovid-19. Nzvimbo inovigirwa chitunha inofiritwa nemishonga chisati chavigwa uye chafushirwa apo vanhu vanenge vari parufu vanofanira kunge vasingadarike makumi matatu,” rinodaro bazi iri.’

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×