Tevedzerai mutemo: Kazembe

Muchaneta Chimuka

GURUKOTA rezvinoitika munyika, Cde Kazembe Kazembe, vari kukurudzira veruzhinji kuti vatevedzere matanho ose akatarwa neHurumende mukuedza kumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Muchinyorwa chakabva kubazi ravo, Cde Kazembe vanoti nyika inokwanisa bedzi kukunda denda iri kana veruzhinji vakabatana mukurirwisa.

“Chirwere cheCovid-19 hachina rusarura uye chinobata nyika dzose nevanhu vemarudzi ose. Ngatishingairei mukutevedzera mitemo nekuzvirereka kuti tikunde denda riri kutitorera upenyu hwevanhu vazhinji zuva nezuva iri. Tiri kushushikana nenyaya dzekuvhurwa kwemabhawa, nemamwe mabhizimusi asingafanirwe kunge achivhurwa sezviri mumutemo weStatutory Instrument 10 of 2021.

“Tiri kuchema zvekare nevamwe vanhu vane mukurumbira uye vaimbi kuti vave muchechedzo wakanaka mukurwisa denda reCovid-19,” vanodaro Cde Kazembe.

Vanoenderera mberi vachiti, “Mapurisa acharamba achifamba munharaunda dzose nemuzvitoro vachiona kuti hakuna here mhosva dziri kuparwa uye vanhu vari kutyora mirawo iri maringe nekurwiswa kweCovid-19. Tinokurudzira zvekare vanhu vari munharaunda kuti mumhan’are nyaya dzose dzamunoona dzichiparwa kumapurisa ari pedyo nemi, zvikuru vanhu vari kuita mabiko kana madhidhindi kana kuti mashoo anoita kuti vanhu vaungane.

“Varongi vemitambo yakadai vakatarisana nekutorerwa marezinesi avo pamwe nekutarisana nemutemo.”

Cde Kazembe vanoti bazi ravo riri kuona zvekare kuti zvisinei nekuti vanhu vakanzi vasadarike 30 parufu, vazhinji havasi kutevedza izvi.

“Vanhu ngavatevedze mutemo sezvauri kwete kuita zvavanofunga kuti zvakavanakira ivo nekuti zvine njodzi. Chinangwa cheHurumende kana ichiti vanhu ngavave vashoma parufu pane chikonzero chikuru chakanakira isu kuti tisabatwa neCovid-19.”

Vanoyambira veruzhinji kuti vasamirire kuudzwa nemapurisa kuti vachengetedze mutemo wekurwisa Covid-19.

“Pari zvino vanhu vanofanira kugara kumba, ngatiitei saizvozvo tichigeza maoko edu nekuregedza kuungana uye mamasiki ngatirambei tichiapfeka tirwise Covid-19,” vanodaro.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×