MaWarriors 9 vane Covid-19

Abel Ndooka
SANGANO reZimbabwe Football Association (Zifa) razivisa kuti rambomisa gadziriro dzechikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors dzekuenda kumakwikwi eAfrican Nations Championship (CHAN) zvichitevera kubatwa kwakaita vatambi vacho vapfumbamwe nechirwere cheCovid-19.

Muchinyorwa chakatumirwa neZifa, competitions manager ari zvekare mukushi wemashoko wesangano iri – Xolisani Gwesela – anoti vatambi vose vemaWarriors vainge vakasarudzwa kupinda muchikwata chaZdravko Logarusic nemusi weMuvhuro vakaongororwa pavakadzoka kubva kuzororo reKirisimasi zvikaonekwa kuti vapfumbamwe vavo vane chirwere ichi.

“Tichitevedzera mitemo, vatambi vose nevaraidzi vacho vakavhenekwa nemusi weMuvhuro (28 Zvita) vachibva kuzororo reKirisimasi ndokuonekwa kuti vapfumbamwe vavo vane Covid-19,” anodaro.
Gwesela anoenderera mberi achiti vose vaonekwa kuti vane denda iri vaziviswa uye vave kutevedzera mitemo yeWorld Health Organisation (WHO) vachimbogara kwavo voga.

Kunyangwe zvazvo vatambi vane chirwere ichi vasina kudomwa nemazita, Gwesela anoti chikwata chemaWarriors chicharamba chiri mukembi asi chisingaite gadziriro.

Mitambo yeCHAN, iyo iri kutambirwa kuCameroon, ichatanga musi wa16 Ndira 2021 uye maWarriors ari muboka reGroup A rine zvikwata zvinoti Burkina Faso, Cameroon neMalawi.

Zvichakadai, kuMalawi, chikwata cheNyasa Bullets icho chinorairidzwa naKalisto Pasuwa kusvika pari zvino vatambi vacho 11 vabatwa vaine Covid-19.

Related Posts

Murimi wekuGoromonzi oita purofiti inodarika US$250 pagoho roga roga

Muchaneta Chimuka VARIMI vane chitsama nevadzidzi vekumakoreji ezvekurima nomusi weChitatu vakashanyira purazi remumwe murume wekuArcturus, mudunhu reGoromonzi, uyo ari kuita mashura nezviratidzo mukurima hanyanisi, madomasi, makarotsi, nyemba, mbatatisi nezvimwe. Vanhu…

President Mnangagwa vochema Chivayo, mudzimai wake nevamwe vatatu

Munyori weKwayedza Mutungamiri wenyika President Mnangagwa varatidza kuvhunduka kukuru pamwe nekusuwa zvichitevera kufa kwamuzvinabhizimusi Wicknell Chivayo, mudzimai wake Lucy Muteke nevamwe vanhu vatatu mutsaona yechikopokopo kuMarondera nezuro. Mumashoko enyaradzo, President…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×