Akafa awira mugomba

Kingstone Mapupu
MURUME wekuFrances Crone Claim, kuShamva – uyo anonzi anga ari chidhakwa chemakoko – akafa mushure mukuwira mugomba rakadzika mamita 15 umo akanorovera nemusoro apo aibva kudoro.

Charles Thembo (51) anonzi akasangana nenjodzi iyi nemusi wa27 Zvita zuva rodoka apo aibva kudoro mushure mekunge anzvenga muzukuru wake, Joseph Manoro (31), uyo aimumanikidza kuti vadzokere kumba kunze kuchakachena.

Zvinonzi vaviri ava vakabva kumba munguva dzemangwanani ndokuenda panzvimbo yemabhizimisi yeFrances Crone Claim apo paivawo nevamwe vanhu vaitandara.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Inspector Fidelis Mundembe, vanoti mushure mekunge Thembo anwa doro achivaraidzwa nemuzukuru wake – uyo aisanwa – vakazorangana kuti vachidzokera kumba kunze kuchakachena.

“Joseph Manoro akataurira sekuru vake ava kuti vachienda kumba asi havana kuwirirana sezvo Thembo aida kuramba achinwa doro,” vanodaro Insp Mundembe.
Zvinonzi Thembo mushure mekunge amanikidzwa kuti vaende kumba nemuzukuru wake, akatora imwe nzira yemusango achida kumunzvenga kuti adzokere kubhawa apo akazowira mugomba rakadzika iri ndokukuvara zvikuru kuburikidza nekurovera mumatombo.

“Joseph Manoro akazokwanisa kuburitsa Thembo mugomba iri achibatsirwa nevamwe ndokuenda naye kuchipatara cheShamva asi akasvikofa asati abatsirwa. Mutumbi wake wakazoendeswa kuimba yerunyararo yechipatara chimwe chete ichi uko waiva wakamirira kuongororwa nanachiremba,” vanodaro Insp Mundembe.

Vanokurudzira vanhu vanonwa doro kuti vazive nguva dzekudzokera kumba uye vofamba kwakachena.
“Doro rinogara richingonwiwa mazuva ose uyewo haripere, anopera ndiwe. Dzokerai kudzimba sekuuya kwamunenge maita nguva dziripo uyewo vanhu ngavashandise nzira dzavanoziva kwete dzemusango,” vanodaro Insp Mundembe.

Vanoyambirawo veruzhinji kuti vasanwe doro risingabvumidzwe munyika muno.
“Tine tudoro turi kunwiwa mazuva ano twapedza kuuraya vanhu saka tinokumbira musanwe doro iri uyewo kune vanoritengesa tinovasunga,” vanodaro Insp Mundembe.

Related Posts

Murimi wekuGoromonzi oita purofiti inodarika US$250 pagoho roga roga

Muchaneta Chimuka VARIMI vane chitsama nevadzidzi vekumakoreji ezvekurima nomusi weChitatu vakashanyira purazi remumwe murume wekuArcturus, mudunhu reGoromonzi, uyo ari kuita mashura nezviratidzo mukurima hanyanisi, madomasi, makarotsi, nyemba, mbatatisi nezvimwe. Vanhu…

President Mnangagwa vochema Chivayo, mudzimai wake nevamwe vatatu

Munyori weKwayedza Mutungamiri wenyika President Mnangagwa varatidza kuvhunduka kukuru pamwe nekusuwa zvichitevera kufa kwamuzvinabhizimusi Wicknell Chivayo, mudzimai wake Lucy Muteke nevamwe vanhu vatatu mutsaona yechikopokopo kuMarondera nezuro. Mumashoko enyaradzo, President…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×