
MUTUNGAMIRIRI weNational Football Association of Zimbabwe (NFAZ), Phillip Chiyangwa, anoti kubudirira kwakaita maWarriors kuenda kunokwikiwdza kumutambo weAfrican Cup of Nations kwasimudzira chikwata ichi zvekuti chinogona kutamba mitambo yehushamwari nenyika dzakaita seGermany neEngland.
Achitaura pamabiko akaitwa muHarare svondo rino, Chiyangwa anoti maWarriors akadadisa Southern Africa yose zvekuti pane dzimwe nhengo dzekuEurope dziri kuronga kuti Zimbabwe neSouth Africa dzigopota dzichitamba mitambo yehushamwari nenyika dzekuEurope.
Chiyangwa anoti maWarriors – ayo anove pakati pezvikwata zvipfumbamwe zvabudirira kuenda kunokwikwidza kuAfcon parizvino, anofanira kuramba achishanda nesimba.
“Kubudirira kwataita kuenda kuAfcon kwaunza mufaro munyika yose uye tave kuzivikanwa pasi rose kuti tinotamba nhabvu inodakadza. Zvikwata zvikuru zvave kutotya izvezvi kusangana nesu. Kalusha Bwalya wekuZambia uyo aimbotungamira sangano reFootball Association of Zambia anditumira mashoko ekukorokotedza kubudirira kwedu.
“Ndave kutora mukana uno kukuzivisai kuti pane nhengo dzekuEurope dziri kuronga mimwe mitambo ichatambirwa munyika mbiri muAfrica ino, Zimbabwe neSouth Africa. South Africa haisi kuenda kuAfcon saka yasara.
“Musashamisike munogona kunzwa kuti tichatamba neGermany mutambo wehushamwari kana England chaiyo. Saka rambai muchishanda nesimba,” anodaro Chiyangwa.
Anoti Zambia, iyo yakakundikana kubudirira kuenda kuAfcon mwaka uno, kana yakambohwina mukombe uyu muna 2012 hapana chinotadzisa Zimbabwe kuzviita gore rinotevera.
“Tinganzi tiri vadiki pane Zambia here iyo yatadza kubudirira kuenda kuAfcon? Isu tiriko saka tinofanirwa kurakidza kuti tiri shasha saka handei tinohwina mukombe.
“Vatambi vanogona tinavo, Khama Billiat akavhoterwa kuve Soccer Star of the Year kuSouth Africa, Willard Katsande ndiye ave kaputeni weKaizer Chiefs yekuSouth Africa, Costa Nhamoinesu naKnowledge Musona vose vari kutambira kuEurope saka hapana chatisina, vatambi vanogona tinavo varipo,” anodaro Chiyangwa.




