Mazondo enguruve kunaka!

SVONDO rino tiri kukaringa tiri kudhorobha reChitungwiza uko tichadonongodzerwa mabikirwo akanaka emazondo enguruve naVaLloyd Chiruka (38), avo vanova maneja uye vari nyanzvi pakubika paimwe nzvimbo inotandarirwa vanhu vachidya tunonaka paMakoni Shopping Centre.

ZVINODIWA:

Chekutanga tengai mazondo enguruve muzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo kana kuti mouraya moga nguruve dzamunochengeta.

Onai kuti mazondo abviswa mvere dzose moageza zvekusara achena. Chichekai kuaita zvidumbu zvakafanira muchishandisa muchina kana dzimwe nzira dzine hutsanana.

MABIKIRO:

Torai poto kana hadyana yakachena woisa mazondo imomo.

Chekai hanyanisi, matomatisi wokanda munyu netwumafuta twakafanira. Siyai zvichikwata pamwe chete kwemaminitsi angaite 20. Mazondo enguruve haafanire kunyanya kuibvisa nekuti anodimbuka-dimbuka saka ita kuti aibve zvakafanira.

ZVEKUDYISA:

Mazondo enguruve anogona kudyiwa nesadza jena kana rezviyo asi vamwewo vanongoda kuadya akadaro pamwe nekunwa muto wacho. Vamwewo ndivo vanoti anosimbisa mabhonzo, zvikuru emusana saka vachiafarira.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×