Abel Ndooka
CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chichasimuka nemusi weChipiri svondo rinotevera chakananga kuMorocco kunokwikwidza kumutambo we2025 Africa Cup of Nations (AFCON).
Kumutambo uyu, chikwata chaMarian “Mario” Marinica chakaiswa muboka rechipiri, Group B, umo chichasangana neEgypt, South Africa neAngola.
Mumutambo wekutanga, maWarriors achasangana nemaFarao ekuEgypt nemusi wa22 Zvita, ozotambazve neAngola nemusi wa26 Zvita.
Mumutambo wekupedzisira muboka iri, chikwata chenyika ichi chichabandana neBafana Bafana (South Africa) musi wa29 Zvita.
MaWarriors ari kuenda kumutambo uyu nechinangwa chekunozama kubuda muboka rawo kekutanga munhoroondo yawo achikwikwidza kuAFCON.
Kubva maWarriors atanga kubudirira kuenda kuAFCON, chikwata ichi hachisati chambobudirira kubva muboka racho chichienda mberi.
Naizvozvo, Mario ane basa guru raakatarisana naro rekutungamira chikwata chenyika kuti chitambe nhabvu yepamusoro, chogobuda muboka rachinenge chakaiswa.
Mario akadoma chikwata chake chekuenda nacho kumutambo uyu nemusi weChitatu svondo rino.
Achitaura neZimpapers Sports Hub, aimbove kaputeni wemaWarriors, Benjani Mwaruwari, anoti anokurudzira chikwata ichi kuti chiende kunorwa semvumba kumutambo uyu, chigobudirira.
Benjani anoti maWarriors ari muboka rakaoma zvikuru asi ane mukana wakasimba wekuhwinha, obuda kuenda kune chimwe chikamu chemutambo uyu.
“Boka iro rakasimba zvikuru”.
“Asi ndinoziva kuti kana mukaiswa muboka rine zvikwata zvakasimba mune mukana wekuhwinha.
“Munoziva kakawanda kekuti tainyadziswa nezvikwata zvidiki zvakaita seLesotho.
“Zvinoitika munhabvu, asi mukazvitarisa izvozvi tine South Africa, tine Angola neEgypt. Zvikwata zvakasimba chaizvo.
“Zvichatisimudzira kuti tiri kuenda tichiziva kuti tiri kunotamba nezvikwata zvihombe, zvokuti kana uchienda uchiziva kuti ndiwe chikwata chidiki, une mukana wakakura wekuhwinha. Vari panguva yakaoma, chikwata chihombe chinotarisirwa kuhwinha, isu kungotamba tisina zvakawanda zviri kutarisirwa,” anodaro Benjani.
Zvakadaro, rwendo rwemaWarriors rwekuenda kuAFCON rwakasimudzirwa zvikuru zvichitevera chipo chavakapihwa svondo rino nemutungamiri wenyika, President Mnangagwa, chemari inosvika US$400 000.




