. . . mayunivhesiti opindira

Malven Mugadzikwa
MAYUNIVHESITI eHurumende apindira mukurwisa chirwere cheCovid-19 muno.

Mayunivhesiti aya ari mubishi kugadzira zvinoshandiswa pakumisa kutapurirana nekupararira kweCovid-19.

University of Zimbabwe (UZ), National University of Science and Technology (NUST), Midlands State University (MSU), Chinhoyi University of Technology (CUT), Harare Institute of Technology (HIT), Bindura University of Science and Education (BUSE) nemamwe vakatotanga mabasa ekugadzira zvinhu zviri kunyanya kudiwa nenyika pari zvino mukurwisa chirwere chatekeshera pasi rose ichi.

Kusvika nezuro, Zimbabwe yava nevanhu gumi vawanikwa vaine Covid-19 apo mumwe chete wavo akatoshaika.

Gurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina,  Professor Amon Murwira, vanozivisa kuti mayunivhesiti enyika akapihwa mari neHurumende yekuti vaite tsvakurudzo pamwe chete nekugadzira mishonga nezvipfeko zvekushandisa pakudzivira kupararira kweCovid-19.

Mayunivhesiti pari zvino ari kugadzira mamasks pamwe chete nemishonga yekugezesa maoko (hand sanitisers) uye nhumbi dzinopfekwa muzvipatara namachiremba navanamukoti pakurapa varwere veCovid-19.

University of Zimbabwe yakatopa mishonga yemahand sanitiser, hand wash, surgical theatre caps, overshoes, maepuroni pamwe chete nemaface masks kuNatPharm.

Zvakabatana nezvakabva kune mamwe mabhizimisi, mishonga nezvekushandisa muzvipatara izvi zvakapihwa kuzvipatara zvakatekeshera nenyika kuti zvishandiswe pakurwisa Covid-19.

Akafanobata chigaro chaoperations director kuNatPharm, VaZealous Nyabadza, vanoti vanotarisira kupihwa mishonga iyi nezvekushandisa neUZ panodarika mazuva maviri oga-oga. Kunze kwekuiswa muzvipatara, mishonga yekugezesa maoko ichaendeswawo kunzvimbo dzinosangana veruzhinji dzakaita sekuzvitoro zvikuru.

VaNyabadza vanokurudzira vezvipatara zvakazvimirira kuti vazadze zvipatara zvavo nemishonga nezvekushandisa zvinobva kuNatPharm.

“Tinoda kuti vezvipatara zveveruzhinji nevakazvimirira vatenge mishonga nezvekushandisa kubva kwatiri sezvo izvi zvichigadzirwa muZimbabwe uye zviri kugadzirwa nemayunivhesiti emuno,” vanodaro.

Vanoti NatPharm ichashandawo nemamwe mayunivhesiti kuti irambe ichiwana zvinodiwa mukurwisa Covid-19.

NatPharm iri kushandawo neUZ mukugadzira mimwe mishonga izvo zvinoderedza kutengwa kwayo kunze kwenyika. Izvi zvinobatsira sezvo vashandi mune zveutano vanga vachitsutsumwa kuti havana zvekushandisa zvakakwana mukurwisa Covid-19.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *