Mazamu ekasvava akaserera

MWANA kasvava wekuGlendale, kuMashonaland Central Province, uyo akasunungukwa zvakanaka asi ndokuzotanga kukura mazamu mushure memazuva manonwe, anonzi akapora zvichitevera kusvinwa nekutovewa nemvura inodziya naamai vake.

Mwana uyu, Ashely Kamwendo, akabuda muKwayedza achinzi akamera mazamu akangofanana neemusikana achangoputudza kwangodarika svondo rimwe chete asunungukwa zvikaita kuti amai vake vatange kutsvaga rubatsiro kumaporofita.

Amai vaAshely, Theresa Dekwende (19), vanoti vakapedza mwedzi miviri vachinetseka nekukura kwaiita mazamu emwana wavo asi iye zvino haasisina dambudziko iri.

“Mwana pari zvino mazamu ake akaserera uye hapana pachiri kumurwadza. Ndakanga ndapererwa kuti ndoita sei asi pakupedzisira ndakazowana rubatsiro,” akadaro Dekwende.

“Ndakabatsirwa nemamwe madzimai echipositori. Vakanditi ndisvine mazamu emwana ndichiatova nemvura inopisa kwemazuva matatu zvikabva zvapera.

“Paisvinwa mazamu aya, aingobuda mvura, hapana chimwe. Izvozvi mazamu ake adzikira uye hapachaiti sepaimbova nemazamu akakura, angofanaa neevamwe vana vezera rake.”

Dekwende anoti haana kumbobvira aenda kuchipatara kunyangwe zvazvo akanga anzi aende navana mukoti vepakiriniki yemunharaunda mavo pavakaona kuti mwana wake ainge amera mazamu achiri kasvava.

Dambudziko raive nemwana uyu rinonzi rimwe chete nerakange riina ambuya vake, amai vaDekwende.

Zvakadaro, mumwe muporofita akambozama kushandira mwana uyu padambudziko iri, Madzibaba Stepnage kana kuti Rodrick Mhosva (49), akange ati izvi zvaikonzerwa nezvidhoma zvaiyamwa Ashely zvose naambuya vake.

Dekwende, uyo anova mudzimai waCharles Kamwendo (26), anoti akaita chipo chemakore mashanu asingabate pamuviri asi ndokuzoita mimba yemwana uyu.

Mukoma waDekwende, Winnet Mupfuranhehwe (26), akatsinhira kupora kwemwana uyu asi ndokuti amai vavo vachiine dambudziko.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemuporofita ari kunzi ndiye akati mwana uyu asvinwe nekutovewa mazamu.

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×