Muchaneta Chimuka
MAZANA nemazana evanhu akatora danho guru mukurwisa chirwere chegomarara kuburikidza nekufamba makiromita mashanu, kumhanya makiromita gumi nekuchovha mabhasikoro kubva muguta reHarare vakananga kuOld Hararians Sports Club, vachitsigira chirongwa cheZimpapers Cancer Power Walk.
Vanhu ava vaisanganisira vashandi veZimpapers, vatsigiri, vana vechikoro, voruzhinji uye vakambobatwa nechirwere chegomarara.
Chirongwa ichi chinoitwa gore negore nechinangwa chekuunganidza mari inozoendeswa kusangano reIsland Hospice and Healthcare kuti ribatsire vanhu vanotambudzwa nedenda iri.
Chakaitwa munzvimbo dzose dzine mahofisi ekambani yeZimpapers dzakaita seChinhoyi, Gweru, Bulawayo, Mutare neMasvingo.
Gore rino, chirongwa ichi chakaitwa pasi pedingindira rinoti “Nhoroondo dzedu dzakasiyana, Rwendo rwemunhu wose rwakakosha”.
Vachitaura pachiitiko ichi, Mai Prisca Makandwa vanove chief finance officer weZimpapers, vakarumbidza vatsigiri vose vakaita kuti chirongwa ichi chibudirire.
“Chirongwa che11th edition yeZimpapers Cancer Power Walk hachina kuitika nokuda kweZimpapers chete, asi nemushandirapamwe wemasangano ose aungana pano neamwe asina kuuya. Tinokutendai nemwoyo wose uye mari yose yatiri kuunganidza tinoiendesa kusangano reIsland Hospice and Healthcare kuti ibatsire varwere vegomarara,” vanodaro.
Vakatenda zvikuru FBC Bank nekuva mutsigiri mukuru wechirongwa ichi, vakati rubatsiro rwavo rwunoratidza kuti havangoiti zvemari bedzi asi kuti vane hanyn’a neutano hwevoruzhinji, avo vanodyidzana navo nguva dzose.
Vachitaurawo parutivi, vamwe vevakabatwa negomarara vakaburitsa pachena nhuna dzavo.
Mai Lois Ngonyamo (53) vemuHarare vakabatwa negomarara rezamu gore radarika. Izvi zvakazoita kuti varasikirwe nezamu rekurudyi. Vakachema nenhau yekudhura kwemishonga yekurapwa nayo uye kuvhenekwa chaiko.
“Ndakavhenekwa gomarara remuzamu gore rapera, ndikakurumidza kurapwa pamwe nekubviswa zamu rangu rekurudyi. Ndinotenda Mwari kuti ndine medical aid nokuti mari yakabuda mukuvhenekwa, kuvhiiwa nekurapwa yaidarika US$20 000. Nanhasi ndichiri kuramba ndichidzokera kuchipatara kunovhenekwa nekurapwa, zvisinei nokuti ndakarapwa ndikapora,” vanodaro.
Mudzimai uyu anotenda hama neshamwari dzake nerutsigiro rwadzo.
Anotendawo Zimpapers nechirongwa chayo, achiti chinoita kuti vanhu vane gomarara vaone kuti havasi voga.
“Ndinotenda murume wangu Edwin Ngonyama nemutwin wangu Tapuwa Mutseyekwa uye vana vangu vanomira neni nguva dzose.
“Vanhu vane gomarara vakashaya rutsigiro vanogumisira varasikirwa neupenyu pamusana pekuzvidya mwoyo,” vanodaro.
Murume wavo, vana vavo nemutwin wavo vakaendawo kuZimpapers Cancer Power Walk, vachivatsigira. Vanoita izvi gore negore.
“Ndauya kuzotsigira mudzimai wangu Lois, uyo ari kupora kubva kugomarara rezamu. Munhu wose anenge achirwara anopora nyore akapihwa rubatsiro nemhuri nechipatara,” vanodaro.
Mai Mutseyekwa vanokurudzira voruzhinji kuti vakurumidze kuvhenekwa gomarara kuitira kuti varapwe nenguva.
“Mutwin wangu ari pano nokuti tinomutsigira. Ticharamba tichimira naye. Varwere vegomarara nevanopona vanoda kuwaniswa tariro yeupenyu neutano. Vakasiiwa vari voga, zvirwere zvakawanda zvinouya. Zvinosanganisira zvepfungwa, shuga nekukwira kweBP, vobva varemerwa. Kupora kunobva mupfungwa. Isu vachengeti nenharaunda tinopa rubatsiro rwakanyanya, tichirerutsira vanachiremba,” vanodaro.
Mai Regnice Gutsa, avo vane vanasikana vaviri, vakabatwa gomarara rezamu muna Mbudzi 2006.
“Ndakanga ndisina bundu muzamu sezvinoita vamwe. Zvisinei, ndaibuda ropa muzamu. Ndakaenda kunoongororwa, ndikaitwa mastectomy (kubviswa zamu), ndikapiwa mishonga kwemakore mashanu.
“Pakati apa ndaienda kunoongororwa mushure memwedzi mitatu. Iko zvino ndiri kuongororwa mushure memwedzi mitanhatu. Mishonga yegomarara inodhura zvikuru, izvo zvinoita kuti vakawanda vafe vasati vawana rubatsiro kana kuti vagumisire vave kurapwa nerweseri navanachiremba vasina kufundira basa,” vanodaro.
Bongani Chakanga, wekuZorro Trained, anotsinhira kukosha kwekuita mitambo inosimbisa muviri uye kudya chikafu chepasichigare chakadai sesadza rezviyo nemifushwa kuitira kuti vanhu varambe vakagwinya.
“Utano nekugwinya kunobva mukuita mitambo; izvi zvinofanira kuitwa nguva dzose; ngaitove tsika,” anodaro.
Masangano akatsigira chirongwa cheZimpapers chegore rino aisanganisira FBC Holdings Limited; POSB; National Employment Council (NEC) for the Printing, Packaging and Newspaper Industry; GanZim; Valley Visions; LinkShield; National Blood Service Zimbabwe; Rugare Medical Aid Society; Health Professions Authority Zimbabwe; Lobels Bread; Zimnat; Ecobank; Harare Onco; Karorina’s Wellness Spa; Puma; Forestry Commission; Sir Charles; Zorro; Skyz Metro FM; Beyond Events; uye LC Shipping.