Ticha Danga
MAKAREKARE edu midziyo yaikosheswa zvikuru nekuti ndiyo yairatidza pfuma pamusha uyezve yairatidza hupangami hwemunhu. Ndizvo zvakakonzera kuti midziyo inyatsopihwa mazita akajeka. Pamusha tine midziyo yakare nemidziyo yanhasi yatinoshandisa. Zvino tinoda kudura mazita ayo anokodzera.
Makarekare vanhu vakadzidzira kubika doro nokudaro vaishandisa mudziyo unonzi gate kana chikanga.
Nhasi uno kunzvimbo dzichiri kubikwa doro kwava kushandiswa migomo.
Mazuva ano tava kudya zvekudya nezvipunu nekuti chave chizvino-zvino, ndizvo zvaveko. Karekareko vanhu vaidya neruwande kana kuti rukwati pazvinhu zvaisakwaniswa namawoko pachawo.
Kana vaida kukanga zvekudya vakuru vakare vaishandisa rwainga kana chiwaya.
Chiwaya ichocho chaikangirwa maputi, nyimo nenzungu chinodaidzwa zvakare kunzi rwenga, rwaenga kana kuti gango.
Kazhinji chiwaya, rwainga kana gango zvaigadzirwa nezvimedu zvehari.
Mazuva ano tava kutenga hupfu huri muhomwe kana chipepa umo tinokanda kandiro kadiki kekucheresa.
Handizvo zvaivako kare nekuti mushure mekutswa nekukanga hupfu paguyo hwaizoiswa mudenhe kana kuti jeka.
Mujeka imomo ndimo maigara chinokoro chaizochereswa hupfu hwacho.
Mafuta aikunwa mudzakinya renzungu dzakatswiwa. Mafuta aishanda zvakawanda kusanganisira kurapa, kuzora kana kubikisa.
Mafuta aya aizochengeterwa muchinu chinova chidende chaigadzirwa nemapudzi ainge akomba ozoomeswa.
Vamwe vanodeidza chinu kuti nhera.
Vanhu vakanga vasingatengi mbeu kana mbesa muzvitoro sezvoita mazuva ano.
Vaidyara mbeu kubva mune dzavakakohwa muminda. Saka mbesa idzi vaidzichengetera mudende kana guchu.
Vakuru vaisatenga fodya sezvoitwa mazuva ano. Kana iri yomumhuno vaiita yokukuya pamudziyo nenhombo kana chigato.
Yakuiwa kudaro yaizochengeterwa munhekwe iyo yaigadzirwa nenyanga dzemhuka. Rimwe zita renhekwe ndichibako kana tsembe.
Vamwewo ndovanoti kasha kana nyere.
Vaiti kana vapedza kudira doro rezviyo riya vaizosanganisa nemasese kuti hwahwa huchizvosvinwa kuti huzonwiwa.
Kusvinwa uku kunenge kuchibviswa masese kuchisara mvura iya inodhaka.
Saka kuti vabvise masese aya vaishandisa chisvino kana uti tyuzu. Hwazosvinwa hwahwa huya hwaizodirwa mumudziyo unonzi pfuko, mhirimo kana mbukuro.
Vamwewo vanodaidza mudziyo uyu kuti nyengero.
Fodya yemidzanga yaiiswa muchikwepa icho chaigadzirwa nemuti.
Chikwepa ichi chaiboorwa buri pakati richinobudira muchikomba chaiiswa fodya zvekuti vasvuti vaisatambura nekutsva zvigunwe nezvigusvani.
Varimi vaiva nehutsanzi hwavo hwekutakura zvirimwa zvavo kubva muminda.
Kwaisava nengoro dzaveko mazuva ano.
Vaicheka zviyo, mhunga kana mapfunde vachiisa mutswanda yaigadzirwa netsanga yozosimbiswa nekudzururwa nendove.
Kana tswanda yazara vaizodira musandanga kana dengu iro raiva hombe kupfuura tswanda.
Sandanga, sengendo kana dengu iri raisatakurika mumusoro asi kutoti raiiswa pachireyi icho chaizozvuviwa.
Chireyi chaigadzirwa nematanda.
Zvirimwa izvi zvaizochengeterwa mutsapi kana mudura. Kana zvisati zvapurwa, kutsvokonyorwa kana kuumburwa zvaiturikwa padara kana kuiswa mundyanga izvo zvaivakwa nemapango.




