Mbanje inondipa simba: Mupositori

Muhamed Komboni

MURUME wekwaMutare uyo anoti anopinda chechi yechipositori — wekubatikidzwa nemapurisa achiputa zvinodhaka aine mumwe wake —akashamisa vanhu vaive mudare apo akati anotora zvinodhaka kuitira kuti awane simba rekuriritira mhuri yake sezvo aine madzimai manomwe.

Ashton Bhasera (20) nemumwe wake — uyo asina kudomwa zita rake mudare— svondo rapera vakabvuma mhosva yavo pavakamiswa pamberi pemutongi Notebulgar Muchineripi wedare reMutare Magistrates Court.

Bhasera anoti anoputa zvinodhaka kuti awane simba sezvo achiita basa remaoko iro rinoda simba rakawanda.

“Mambo wangu, mhosva ndinobvuma. Ichokwadi kuti takabatwa tichishandisa zvinodhaka nemapurisa, asi chikonzero chakaita kuti ndizvishandise ndechekuti ndaida kuti ndiwane simba, ndishande zvakanaka sezvo ndichida kuriritira mhuri yangu.

“Ndine vakadzi 7 pamwe chete nevana 4, vose vanoda kuchengetwa uyezve pane mumwe mudzimai wangu akazvitakura. Vaviri ndinogara navo asi vashanu vanogara kumusha vose vanoda kuriritirwa neni,” anodaro Bhasera.

Anoti anopinda chechi yechipostori asi iye zvino akambomiswa nekuda kwezvikonzero zvaakatsanangudzira dare.

Bhasera nemumwe wake vakanzi vadzoke zvakare kudare apo kutongwa kwenyaya yavo kuchaenderera mberi.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *