Mbappe haasi kuzouya: Guardiola

PEP Guardiola anoramba mashoko ekuti chikwata chake chiri kuda kubhadhara mari inosvika 200 miriyoni paunzi kuti chitenge mutambi weParis Saint-Germain, Kylian Mbappe, muna Ndira wegore rinotevera.

Zvakabuda mumapepanhau kuti City ichada kuendera mutambi uyu wekuFrance, uye PSG ichidawo kutengesa vatambi kuti mabhuku ayo azadzikise zvinodiwa nemitemo yefinancial fair play.

Asi, zviri kunzi Guardiola kuti atenge mutambi uyu, chikwata chake chinofanirwa kutanga chatengesa mumwe mutambi nekuda kwemitemo iyi uye Raheem Sterling ndiye ari kutaurwa kunzi anogona kutengeswa.

Achitaura svondo rino – vasati vasangana neHoffenheim mumutambo weChampions League – Guardiola akaudza vatori venhau kuti hapana apo chikwata chake pachichaendera mutambi uyu uyo akahwina mukombe weWorld Cup.

“Hazvisi kuzoitika,” anodaro.

“Dzimwe dzenguva handinzwisise kuti nyaya idzi dziri kubva kupi chaizvo.” – Sportsmail Football

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *