Mbare yatarisana nedambudziko retsikidzi zvakare 

Mirirai Nsingo

VAGARI vekuMatererini neMatapi Flats kuMbare, muHarare vatarisana zvakare nedambudziko rekurumwa netsikidzi.

Vamwe vakaitwa hurukuro navo vanoti havazi kurara usiku nekuda kwekurumwa netsikidzi.

Vanoti huwandu hwetsikidzi idzi huri kuwedzera zvakanyanya izvo zviri kuona dzichipambira kuenda kune mamwe makamuri avanogara.

Tsikidzi idzi dziri kugara mumamatiresi, munhumbi kana mumawadhiropu munzvimbo iyi iyo ine dzimba dzemudurikidzwa uye inogara vanhu vakawandisa.

“Hatizi kurara. Husiku hwega-hwega tinenge tichingokwenya mushure mekurumwa netsikidzi,” anodaro mumwe mugari wemunzvimbo iyi achiwedzera kuti dzimwe mhuri dziri kupedzisira dzarasa mamatiresi ayo anenge azara netsikidzi.

Mashoko ake anotsinhirwa nemumwe mugari wekuMatapi Flats achiti mamiriro ezvinhu akawedzera kuipa masvondo adarika uye vari kutyira kuti kana dambudziko iri rikasagadziriswa nekukasika tsikidzi idzi dzinogona kupambira kune dzimwe nzvimbo.

“Tave kugara tisina kugadzikana, vana vedu vari kugara vachingotya, hatikwanise kuramba tiri mudzimba dzedu,” anodaro.

Vagari vemunzvimbo iyi vari kupomera kanzuru yeHarare mhosva yekutadza kugadzirisa dambudziko iri nekukasika kuburikidza nekufirita makamuri avanogara.

“Kanzuru yakauya kuzofirita gore rapera asi iye zvino mamiriro ezvinhu atonyanya kuipa, mishonga yavo inenge yekunyepa nekuti izvezvi zvatova pakaipa,” vanodaro Mai Simba.

Kanzuru yeHarare payakabvunzwa nezvedambudziko iri yakange isati yapa mhinduro kusvika pakuburitswa kwenyaya ino.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *