Danisa Masuku
MURUME ane makore 43 okuberekwa wekuBulawayo akatanga kuba ari Grade 3 izvo zvakazoona achipara mhosva 26 dzekuba mudzimba pamwechete nemumalodge uye ndokuzotongerwa kugara mujeri kwemakore mapfumbamwe mushure mekubvuma mhosva gumi nembiri.
Thulani Jere (43) wekuPumula East, kuBulawayo akamiswa pamberi pemutongi wedare reBulawayo Regional Court, VaMark Dzira, achitongwa nemhosva gumi nembiri dzekuba.
Atongerwa kugara mujeri kwemakore gumi nerimwe uye ndokuzobvisirwa makore maviri pachirango ichi nechitsidzo chekuti haafanire kupara mhosva yakadai mukati memakore mashanu.
Jere achapika makore mapfumbamwe mujeri.
Vachipa mutongo wavo, VaDzira vakati Jere akapara mhosva idzi nenzira yakaipisisa sezvo akapaza nzvimbo dzevamhan’ari, akapwanya mahwindo nekuba zvinhu.
Jere akaudza dare kuti akatanga kuba achiri Grade 3 ndokuenderera mberi kusvika paakazosungwa.
“Haasi mupari wemhosva wekutanga sezvo akatanga kuba aine makore mapfumbamwe ari Grade 3 ndokuenderera mberi kusvika pari zvino. Izvi zvinoratidza kuti haakwanise kuchinja, zvinoratidzawo kuti ainyatsoronga kuti opara mhosva idzi sei,” vanodaro VaDzira.
Vanoti mhosva idzi dzakanyatsorongwa nzira yemaparirwo adzo sezvo Jere aidzipara kubva 9pm kusvika pakati pehusiku.
“Murume uyu itsotsi remakoko uye injodzi kuvanhu. Pane imwe ‘lodge’ yaakapinda vaenzi vakarara ndokuvabira zvinhu zvavo, pane imwe imba zvakare yaakapaza kaviri, akarwisa vanhu ndokuvabira zvinhu zvavo,” vanodaro VaDzira.
Dare rakanzwa kuti Jere akaba midziyo inokosha US$16 640, R11 800 neP3 500, uye hapana chakawanikwa.
“Mupari wemhosva akabatsirikana nemhosva idzi apo vamhan’ari vakasara vakatarisana nematambudziko emari,” vanodaro VaDzira.
Muchuchisi wenyaya iyi, Mai Hazel Ncube, vanoti Jere akaronga kuparwa kwemhosva idzi uye akashandisa zvombo kupaza dzimba.
“Ane njodzi kuvanhu, akapara mhosva dzakakomba uye akashandisa chisimba kuti apinde mudzimba.
“Akatyisidzira vamhan’ari sezvo akaita humbavha kubva muna Chikumi 2024 kusvika mwedzi wapera. Maitiro aanoita anoratidza kuti munhu aipara mhosva idzi nemaune,” vanodaro Mai Ncube.
Jere achadzoka mudare munguva pfupi inotevera apo anenge achitongwa nemhosva gumi neina dzaakaramba apo paakabvuma dzimwe gumi nembiri.
Mai Ncube vanoti Jere akasungwa zvichitevera kunyeverwa kwakaitwa matikitivha eBulawayo Homicide nevamwe vanhu kuti aiba munzvimbo dzinosanganisira Hillside, Famona, Ilanda, Ascot nedzimwe dzakapoteredza.
“Jere akatarisana nemhosva dzinosvika 26 dzekupinda mudzimba zvisiri pamutemo nehumbavha hwakaipisisa, akabatana nemumwe wake, Xolani Moyo, uyo asati asungwa.
“Kuba kwemusungwa, kwakatanga muna Chikunguru 2024, kwakazomira musi wa24 Kubvumbi 2026 mushure mekunge matikitivha eBulawayo Homicide anyeverwa neveruzhinji kuti akapara mhosva dzakawanda dzekuba,” vanodaro Mai Ncube.
Musi wa6 Chikunguru 2024, anonzi akapaza imwe imba ndokuba US$4 000. Mune chimwe chiitiko chemusi wa15 Nyamavhuvhu 2024, anonzi akaba US$1 600 kune mumwe mumhan’ari.
“Musi wa2 Zvita 2024, musungwa akamanikidza kupinda mune imwe furati ndokuba satchel raive neUS$7 224 neR3 000. Mune imwewo nyaya pane imwe lodge yeko, Jere akapinda muimba yaigara muenzi apo aiva akarara ndokuba chikwama chaive neUS$1 480 nenharembozha,” vanodaro Mai Ncube.
Vanoti nemusi wa21 Ndira 2025, musungwa uyu akapaza imwe imba ndokuba US$2 000 neR3 000.
Mushure mekusungwa kwake, matikitivha akawana maturusi akati wandei anofungidzirwa kuti akashandiswa mukupara mhosva idzi, anosanganisira muchina wekucheresa pasi, grinder nebhatiri relithium, pakati pezvimwe zvinhu.




