Mbavha hutu nemotokari neUS$1 800

Muchaneta Chimuka

MURUME ane makore 46 okuberekwa wekuAmethyst Heights kuRedclife, kuKwekwe akabirwa motokari yake pamwechete neUS$1 800 nezvimwe zvinhu izvo zvose zvinokosha US$9 920 mushure mekunge mbavha dzapaza imba yake.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakaitika musi wa11 Kurume.

Vanoti pazuva iri, mumhan’ari — Tawanda Godfrey Magure — akabva pamba achienda kubasa mushure mekusiya apaka motokari yake yemhando yePeugeot 208 iyo yaive neruvara rutsvuku iine nhamba dzinoti AGY 1389.

“Paakadzoka kubva kubasa manheru ekare, ndipo paakaona kuti motokari yake yainge yatobiwa. Mapurisa akaenda panzvimbo yainge yaitikira nyaya iyi vachibva vaona kuti imba yemumhan’ari yainge yapazwa nepamusuwo mukapinda munhu anova akatora makiyi emotokari neUS$1 800 nezvimwe zvinhu zvaive muwadhiropu. Zvinhu zvese zvakabiwa, kusanganisira motokari, zvinokosha US$9 920,” vanodaro.

Insp Mahoko vanokurudzira veruzhinji vangava neruzivo maringe nehumbavha uhwu kuti vabatsire nemashoko anoita kuti vapari vemhosva vasungwe.

“Tinoramba zvakare tichiyambira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekuchengeta mari zhinji mumba. Mari ngaiendeswe kumabhanga sezvo izvi zvinoderedza mikana yekubirwa yakaita seiyi,” vanodaro.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *