Mbavha hutu nepfuti, mari

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuGweru ari kutsvaga makororo maviri ayo anonzi akasvikovhura madhoo eimwe emotokari nechisimba ndokuba mari nepfuti.

Nyaya iyi yakaitika padyo neDrive Inn kuGweru apo paiva pakamiswa motokari iyi nemusi wa15 Chikunguru nenguva dza3 masikati.

Inspector Emmanuel Mahoko vanova mutauriri wemapurisa kuMidlands vanoti Tafadzwa Mutauriki (40) akasvikomisa motokari yake yerudzi rweNissan Vannette pacar park padyo neDrive Inn iyi.

Anonzi akasiya akiya madhoo emotokari iyi ose achienda kunotsvaga mvura.

“Mushure menguva inoita maminitsi mashanu, murume uyu akadzoka paakanga asiya motokari ndokuwana madhoo ose akavhurwa. Pakuongorora mamiriro emumotokari make, akaona kuti bhegi resatchel raiva neUS$1 300 nepfuti yaiva  nemagazine nemabara makumi matatu zvose zvakanga zvabiwa,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanokurudzira vatyairi nevamwe veruzhinji kutanga vaongorora nzvimbo dzavanenge vari kuti motokari dzavo nezvimwe zvinhu zvakasiyana zvakachengetedzeka here vasati vazvisiya.

“Motokari dzinofanirwa kusiiwa madhoo akakiiwa uyewo vatyairi ngavaise michina inochema yakaita semaalarm kana motokari dzabatwa kana kuisa magetsi anogwinha vanhu vanobata varidzi vasipo. Kana dziri motokari, dzinogona zvekare kusiiwa  pamagaraji anochengetwa nevarindi. Zvakadai, tinokumbira vane mashoko anokwanisa kutibatsira kuziva vanhu vakaita izvi vazivise mapurisa ari padyo navo,” vanodaro Insp Mahoko.

Related Posts

‘Vashandi veHurumende rongerai remangwana’

    Lovemore Kadzura   VASHANDI veHurumende vanokurudzirwa kuchengetedza mari yavo nekuishandisa zvine ungwaru kuitira kuti varambe vachirarama hupenyu hwakanaka mushure mekunge vasiya basa vave pamudyandigere. Mashoko aya akataurwa naMai…

EMA yoshandisa michina yemuchadenga mukurwisa moto wesango

    Muchaneta Chimuka SANGANO reEnvironmental Management Agency (EMA) riri kuvandudza mabasa aro ekurwisa moto wesango kuburikidza nekushandisa michina yechizvino-zvino yemakombiyuta kusanganisira yemuchadenga (Satelite Computer-Generated Risk Mapping). Izvi zvinoita kuti…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *