Kingstone Mapupu
MAKORORO mashanu aiba akapakata pfuti munharaunda yeHarare nenzvimbo dzakapoteredza akasungwa, ndokuendeswa kuHarare Magistrates’ Court, uko akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 164 pamwe chete, anodaro mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP).
Makororo aya anoti Tafadzwa Richard Marondera (25), Liberty Mukanganise (31), Brighton Chikukwa (27), Silence Matambo (27) naLuke Zinyengere (28).
Mutauriri wemapurisa ematikitivha eCriminal Investigation Department (CID), Detective Inspector Rachel Muteweri, vanoti mapurisa akatanga kuwana mashoko okuti Marondera aiva nenyaya dzakawanda dzekuba munharaunda yeHarare, achibva amusunga nomusi wa25 Kukadzi 2024.
Mapurisa anoti mukufeewa kwenyaya dzekuba kwake, Marondera akazodura vamwe vose vaaishanda navo munyaya dzeukororo, mapurisa ndokuvaronda.
Vakazowana 9mm Retay pistol yaishandiswa mumabasa ekuba aya. Mukufeewa kwenyaya iyi nemapurisa, zvakabuda pachena kuti chikwata ichi chaiita basa rekuba iri kubva mumwedzi waGumiguru 2023.
Makororo aya anonzi akaenda kuMabvuku, muHarare, uko akanoba. Anonzi akatanga nekuridza pfuti, varidzi vepamba ndokuramba kuvhura magonhi. Akazoita zvekupwanya magonhi aya, achibva aba mari inoita US$5 500.
Mapurisa anoti nomusi wa10 Zvita 2023, chikwata chimwe chete ichi chakapinda mune imwe imba kuGlen View 7, muHarare, ndokuridza pfuti, pashure ndokuba US$320.
Zvinonzi musi mumwe chete uyu, makororo aya akaenda pane rimwe purazi kuBeatrice, uko akanopfura mumwe munhu pachidya, achibva aba US$700, midziyo yemagetsi nepfuti mbiri.
Nomusi wa29 Zvita 2023, makororo aya akasvika pane imwe imba, ndokunanga kugaraji rinotengesa mafuta, akapwanya magonhi. Akaputitsa sefa yemari nemadharameta, ndokuba US$4 870.
Makororo aya anonzi akaridzira magadhi epo pfuti, akabva adududza, chikwata chemakororo ichi ndokutiza nemotokari yerudzi rweToyota Rav 4 yaiva yepamba paakaba apa.
Nomusi wa31 Ndira 2024, makororo aya akaenda pakambani yekuWorkington, muHarare, ndokuba US$42 000, midziyo yemagetsi nemotokari yerudzi rweHonda Fit.
Anonzi akaenda kumaservice station kuMabelreign; kuSt Mary’s, kuChitungwiza; nekuRuwa, achiba. Mumhosva dzose dzekuba, makororo aishandisa pfuti. Nyaya dzavakapinda nadzo mudare redzimhosva dzaisvika gumi. Vose vakawanikwa vaine mhosva.
Marondera akapihwa makore 77 mujeri, Mukanganise makore 36, Chikukwa makore 17, Matambo makore 17 naZinyengere makore 17.
Vashanu ava vakamira pamberi pemutongi Noel Mupeiwa, muchuchisi ari Mercy Musamvu.
Mapurisa anoti acharamba achishanda zvakaomarara mukurwisa kuparwa kwemhosva munyika uye akatenda matare edzimhosva nekupa mitongo yakaomarara kune vapari vemhosva. Akatenda voruzhinji nekuramba vachipa mashoko anoita kuti nhubu dzisungwe.