Mbavha yakaponda baba. . . yatsiurwa chitsotsi

Mushakabvu Amious Kamambo
Mushakabvu Amious Kamambo

MURUME wekuGuruve, kudunhu reMashonaland Central, anonzi akasungwa nemapurisa eko mushure mekunge aponda baba vake — chaivo vekumubereka — apo vainge vamutsiura kuti asiyane netsika yake yehumbavha.

VaAmious Kamambo (64), avo vaigara kuChingwaro, kwaShe Bepura, vanonzi vakafa pakarepo apo vakatemwa-temwa nezidombo mumusoro nemwana wavo, Desire Kamambo — uyo asina kuzivikanwa makore ake ekuberekwa.

Mhosva yababa ava inonzi yaiva yekuti vainge vatsiura mwanakomana wavo uyu kuti asiyane nechitsotsi — kusanganisira kuvabira zvirimwa nezvipfuyo zvavo.

Chartwell Kamambo (41), uyo anova mwana wemukoma wemuchakabvu, akataura pamusoro pekupondwa kwababamudiki vake naDesire.

“Desire munin’ina wangu uye aisawirirana nababa nekuda kwenyaya yekuti aivabira chibage, nzungu, huku nezvimwewo. Nemusi uyu anonzi akadarika nepamba pevabereki vake sezvo iye akavakira kwake oga. Baba pavakamutsira kuti aidei pamba pavo sezvo ari mbavha, pakabva patanga gakava,” anodaro Chartwell.

VaKamambo vanonzi pakasvika mwana wavo pamba vainge vachangosvikawo pamusha apa vachibva kwaSabhuku Nyandoro, uko vakanga varara nekuda kwekuti kune mukadzi wavange vave kugara naye zvichitevera kushaika kwakaita mudzimai wavo mukuru.

“Pakasvika Desire pamba apa mangwanani, VaKamambo vaida kunovhiya mombe yaiva yafa pamusha pemuvakidzani wavo apo paiva nasekuru wedu, Albert Chakamanga, saka vaitorodza mapanga vaine midziyo yekunotakurira nyama,” anodaro Chartwell.

Anoti pakunetsana kwakaita baba nemwanakomana ava, zvakazosvika pekuti Desire arwise vamwe vanhu vaivapo vaisanganisira muzukuru Definate Mafuriranwa.

Mumwewo aivepo, VaAlbert Chakamanga vanonzi vakaedza kurandutsira asi zvakashaya basa.

“Sezvo VaChakamanga vaiva nedemo, vakatombopotsa varibvutirwa naDesire achida kutemesa vanhu. Anonzi akazonhonga zidombo nechidhinha ndokutekesha baba vake mumusoro nechekunzeve.

“Mudhara vakabva vangopunzika ndokudirwa mvura nevaivapo asi havana kumuka,” Chartwell akaudza Kwayedza svondo rino.

Paakaona kuti akoromora mhosva, Desire anonzi akamboedza kutiza asi veruzhinji vakamudzivisa. “Ini ndakazoshevedzwa ndikasvikowana baba vaiswa mumba sezvo vakatemerwa panze. Ipapo vaitenge vatofa,” anodaro.

Chartwell anoti vanhu vaivepo pakaitika mashura aya vakambozama kuenda nemushakabvu kukiriniki yeMugarakamwe ndokuzoona kuti zvainge zvisingabatsire.

Izvi zvaitika, zvinonzi nyaya yakazosvitswa kumukoma wemufi, VaForomiya Kamambo Zhanda.

Sahwira wemhuri iyi, VaWellington Chingwaro (51), vanoti: “Ini ndakazowana mutumbi wasahwira Kamambo waendeswa kumochari yechipatara cheGuruve. Chandinoziva ndechekuti mukomana uyu aigara achinetsana zvikuru nababa vake, aisavakudza sababa vakamubereka.”

Mukoma waDesire, Tadzimairwa Mafuriranwa (39), anoti akazongoziviswa kuti baba vake vainge vapondwa naDesire.

“Ndakazouya ndikawana sabhuku vedu, VaWordson Chidhakwa, varipo asi baba vatofa,” anodaro Tadzimairwa.

Hanzvadzi yemufi, Mai Losnetty Kamambo (58), vanotaurawo vachiti: “Ndinotambura zvikuru kuti hanzvadzi yangu akafa asina kurwara. Desire imbavha yemakoko, aishungurudza hanzvadzi yangu pamusha pano achimubira zvinhu mudzimba. Zvose nemuhozi aipaza achiba zvirimwa achinotengesa kuti anwe doro. Hanzvadzi yangu yaigara ichindiudza nezvekubirwa nekutukwa nemwana uyu.”

Mbuya Jesca Kamambo (83), vanova amai vemuchakabvu, vanoti vakazoshevedzwa kwavakanga vabvakacha zvichitevera kupondwa kwemwana wavo.

“Ndaiva ndashanya kwakaroorwa mwana wangu kwaChimanikire, uko ndakazotumirwa shoko rekuti Amious afa. Zvakaitwa naDesire zvinondirwadza,” vanodaro Mbuya Kamambo.

Mudzimai waDesire, Sharon Chitsiga (22), anotiwo murume wake munhu anofarira zvekurwa zvikuru uye anogara achimurova.

“Desire munhu ane hasha zvikuru, anogara achindirova. Tine vana vaviri naye,” anodaro achiratidza kushushikana nekupondwa kwatezvara vake.

VaAlbert Chakamanga (38), vanova sekuru wemhuri iyi, zvekare vanonzi vakaona bongozozo iri richiitika, vanoti vakamboedza kudzivisa Desire kuti asarwise baba vake asi vakamutadza.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Assistant Inspector Petros Masikati, vanoti vanoda nguva yekuongorora mamiriro enyaya iyi.

Zvichakadai, mutumbi wemushakabvu wakatovigwa kumusha kwake kwakare kuGuruve.

 

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×