Kingstone Mapupu
MBAVHA ine mbiri kunzvimbo dzinosanganisira kuKwekwe — Leonard Mugashi (24) — uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Shato uye asina pekugara pakati tsvetere, akasungwa zvakare achangobva kujeri nemhosva yekurwisa munhu achida kumubira.
Gororo iri rakasungwa nemusi wa29 Ndira kuMbizo 11 kuKwekwe apo rairwisa mumwe mudzimai richida kumubaya nebanga.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Mugashi akaedza kutiza zvakazoita kuti mapurisa varidzire pfuti mudenga vachimutaurira kuti amire.
“Murume uyu akazosungwa mushure mekupfurwa pachitsitsinho akazosechwa akawanikwa aine banga rerudzi rweOkapi uyewo aiva nembatya dzaaiva akapfeka panguva yaakapara dzimwe mhosva dzekuba kudunhu reKwekwe,” vanodaro Insp Mahoko.
Mugashi parizvino ari kurapwa kuchipatara akachengetedzwa nemapurisa achimirira kuzoendeswa kumatare edzimhosva.
Anonzi ane mhosva dzine chitsama dzekuba dzaari kupomerwa dzaakapara kuMbizo 8, Mbizo 2 nekuMbizo 22 apo aiva nevamwe vake vaviri vasati vabatwa.
“Varume ava vaiba vakapata zvombo zvinosanganisira mapanga, masimbi nematemo. Makororo aya vakarwisa nekubira vanhu vanosanganisira Zivanai Machekera (47) nemudzimai wake Estery Faki (44) avo vairamba kubirwa vachibva vavarova nemasimbi,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoenderera mberi vachiti: “Nekuda kwekuzosungwa kwemurume uyu, tinotenda veruzhinji nekushanda kwavo zvakanaka nemapurisa uye tinotarisira kuti kubatana kwadai kucharamba kuripo tichitarisira kusunga vamwe vaviri vasati vabatwa.”



