Mbudzi 20 dzaive dzabiwa dzawanikwa

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vakazivisa nezvekuwanikwa kwembudzi makumi maviri idzo dzaiva dzabiwa kuChiredzi, kuMasvingo uye nekuzosungwa kwegororo racho.

Assistant Inspector Masauso Patinyu vanova mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo vanoti

Benjamin Ngezimani (39) wekuVillage 3 Mareve kuChiredzi akaonekwa nguva pfupi yadarika achitinha mbudzi makumi maviri achidarika nepamusha wake nenguva dza6:30 mangwanani.

Ngezimani akabvunzwa kuti aienda nadzo kupi uyewo kuti dzaiva dzaani, ndokutadza kupa mhinduro inogutsa.

“Vanhu vatadza kunzwisisa mhinduro nekutsanangura kwaBenjamin Ngezimani, vakabva vaenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa eZRP Ndali. Mapurisa akabva amhanyira panzvimbo iyi ndokusunga murume uyu akatadzawo kutsanangura kuti mbudzi idzi aiva akadziwana kupi,” vanodaro Asst Insp Patinyu.

Vanoti mbudzi idzi dzaiva dzabiwa kunzvimbo yemafuro yeChizvirizvi Grazing Area uye dzose dzakabva dzawanikwa nemapurisa.

“Mbudzi dzose idzi makumi maviri dzaiva dzabiwa nemurume uyu dzakawanikwa idzo dzinokosha US$600 uye dzakadzoserwa kuvaridzi vadzo,” vanodaro Asst Insp Patinyu.

Mapurisa vanotenda veruzhinji vemudunhu iri nekugara vakangwarira kune vanhu vavanofungira kuti vari kuita mabasa ekuba.

“Mhosva dzekubiwa kwezvipfuyo dziri kuwanda mudunhu reMasvingo uyewo tinotenda veruzhinji nekuramba vachishanda nemapurisa mukurwisana nemhosva idzi,” vanodaro Asst Insp Patinyu.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *