Mbudzi kudya mufenje hufana nyina

Wedzerai Nhemachena

KANA mubereki achionekwa nevana vake achidya huku yose ari oga mumba, vana vakatarisa, maitiro akadai aya kudyara mhodzi ichakura igodiridzirwa nevadiki kudzamara vadiki vose mumba vave kudaro kumhuri dzavowo.

Maitiro aya haagumire mumhuri chete, asi anopararira nekumabasa kwatinoona vakuru vemakambani vachidya voga mari yekambani vasingapewo vavanotungamira zvakaringana.

Izvi zvinopararira mumatunhu, nekumatare makuru nemadiki enzvimbo dzatigere.

Chinangwa chedare rino ndechekudzora hunhu hwakaminama mudzimba matinogara, kumabasa nemunyika yose zvayo.

Maitiro akadai anonzi nhafu neVaShona. Munhu ane nhafu anoti dai poto yose yesadza yapakurirwa iye oga. Mushure mekunge apakurirwa sadza iri nehuku yose kana mbudzi yose, anongonyobvora-nyobvora obva asiya, kwava kutorasa, asi vamwe vaine nzara. Munhu akadai anoda kuratidza simba rake mumhuri.

Anofara kuona vamwe vachiseva sadza nemuto, kana kunokumbira chekudya kuvavakidzani. Izvi zvinosvoresa iwe kuonekwa vana vako vachinopambara chekudya iwe uchitoita chekurasa.

Sekutaura kwatinogara tichiita pachikuva chino, tinoti izvi hazviperere mumba, asi tinotora maitiro edu iwaya toenda nawo kumwe kwatinoshandira sekumabasa. Tinoratidza nhafu dzedu nekuzvipa mihoro yakakurisa zvisina mwero, tozvipa mihoro iyoyo nenguva yakanaka.

Tinoratidzazve nhafu dzedu nekutenga motokari dzinenge mabhazi kukura.

CHENJEDZO:

Nhafu ingozi huru-huru nokuti inokumukira iwe pachako. Ukadyisa kupfuura mwero unozvimbirwa. Muchidimu nhafu kubira vamwe iwe uchivatorera zvavo. Maitiro aya anokuzvimbira nokuti zvichabuda pachena ukanyadziswa, wobva wazivikanwa hunhu hwako hwakaipa. Vanhu vanokurongera iwe uchimbofunga kuti uri kudya zvemarema. Ngatitarisei muupenyu hwatinorarama, vanhu vakazvimbirwa nenhafu mudzimba matigere nemumakambani matinoshanda. Nekudaro, ngatisiirei vana vedu nhaka yakanaka kwete yenhafu yekudyira vamwe zvinhu zvavo. Tikasiira vana vedu nhaka yenhafu, tinenge tadyara mhodzi yemaramba kupunduka.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

 

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×