‘Ngwarirai chikafu chamunodya’

Abel Ndooka

VERUZHINJI vanokurudzirwa kuti vangwarire chikafu chavanodya uye vagare vachiziva kuti pane chimwe chinopokana navo (allergy) izvo zvinogona kuzovarwarisa.

Kurudziro iyi yakaitwa nenyanzvi yezveutano, Professor Elopy Sibanda veTwin Palms Medical Centre GAMMA Allergy and Immunology Laboratory nguva yadarika.

Pazuva iri, laboratory yaProf Sibanda yakaremekedzwa nemasangano maviri anoti Standards Association of Zimbabwe (SAZ) neSouthern African Development Community Accreditation Service (SADCAS) panyaya yekugona basa.

Prof Sibanda vanoti zvakakosha kuti vanhu vangwarire chikafu chavanodya.

“Tinofanirwa kuziva kuti chikafu chatiri kudya chakamira sei uye tisingamhanye kudya nekuti zvinogona kutikanganisa. Munogona kunge mune chikafu chamunopokana nacho saka garai muchiziva kuti chikafu ichi neichi hachindiitire,” vanodaro Prof Sibanda.

Hachisi chikafu chega chinogona kukanganisa utano hwemunhu asi kana mweya wekufema chaiwo.

Prof Sibanda vanoti zvimwe zvirwere zvinosanganisira asthma zvinogona kukonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze.

Kozoti mamwe maallergy anosangana nemunhu anokonzerwa nekurumwa netupuka twakasiyana tunosanganisira nyuchi nemago zvekuti zvinogona kukuuraya munhu kana zvikamuruma zvakawanda.

“Kushanduka kwemamiriro ekunze kune zvakunoita pautano hwemunhu nekudaro zvakakosha kuti ungwarire uye uzive kuti muhupenyu hwako chii chiri kukurwarisa.

“Ngwarirai kana nyuchi chaidzo nemago, dzikakuruma unotogona kufa chaiko. Kune vanhu vane utano hunopokana netupuka utwu zvekuti vakarumwa nazvo vanogona kufa.

“Saka isu tenge tichida kuziva kuti chii munhu wose chisingamuitire muhupenyu hwake pautano kuitira kuti arapwe asazorasikirwe nehupenyu hwake,” vanodaro Prof Sibanda.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *