Mbudzi yakanamira kumusana kwetsotsi

Gibson Mhaka

MBAVHA yemakoko yekwaNdanga, kudunhu reZaka, kuMasvingo, yakabatwa nenzira inoshamisa apo mbudzi yayakange yaba yakanamira kumusana kwayo zvikazoita kuti inozvipira kumuridzi wayo.

Vagari vemumusha waChikondori vakasara vasina neremuromo apo Innocent Matamuke akazodzokera oga kunozvipira kumuridzi wembudzi yaakange aba uyo anofungidzirwa kuti akamushandisira mushonga.

Vagari vemumusha uyu vanonzi vakazofunga kushandisa juju kuti vachengetedze zvipfuyo zvavo izvo zvinonzi zviri kubiwa nembavha dzezvipfuyo dzichinotengesa nyama yacho kudhorobha reMasvingo. Matamuke anonzi akanozvipira kumuridzi wembudzi iyi sezvo yakange yarambira kumusana kwake uko ainge akaibipitira paakasvika kumba kwake.

Mumwe mugari wemumusha uyu — uyo asingade kuzivikanwa nezita rake — anoti, “Uyu murango wakaomara zvikuru wakapihwa Matamuke uye chidzidzo chikuru kune dzimwe mbavha dziri munzvimbo ino idzo dziri kuba zvipfuyo zvevaridzi.”

Anoti izvi zvakaitika svondo radarika asi nyaya iyi ichiri kungopisa nanhasi.

“Apo mbudzi yakange yaramba kudzika kubva kumusana kwake, akashaya zvimwe zvekuita nayo kunze kwekutoidzosera kumuridzi wayo uko akanochema kwaari kuti idzikiswe kubva kumusana  wake.

“Muridzi wembudzi iyi, mushure mekunge ataura nen’anga yake, akazoita mhiko panaMatamuke kuti mbudzi iyi ibve kumusana kwake uye ndokuudzwa kuti anofanirwa kuzoripa nemombe kumunhu waakabira,” anodaro mugari weko uyu.

Anoti nekuda kwenyadzi, Matamuke akabva angonyangarika kubva mumusha uyu mushure mechiitiko ichi.

Mambo Ndanga pavakabvunzwa nezvenyaya iyi vanoti, “Kuti nditaure kuti yakaitika here kana kuti kwete zvinoda nditange ndabvunza sabhuku wacho sezvo dzimwe nyaya dzinoitika mudunhu rangu hadzisi dzose dzinosvika kwandiri. Dzimwe nyaya dzinoitika mumisha dzinotogadziriswa dzichipera ikoko sezvo vaviri vanenge vakanganisirana vanenge vabvuma kutaurirana.”

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *