Vodzidziswa kutyaira magiredha

Kingstone Mapupu

IMWE kambani yakaparura chirongwa chekudzidzisa vana vechikoro vari kumatunhu ose enyika kutyaira michina inosanganisira magiredha, makatapira nematarakita nechinangwa chekusimudzira matarenda avo zvinova zvinoenderana negwaro redzidzo reNew Curriculum iro rinokurudzira zvidzidzo zvemabasa emawoko.

Kambani yeMBT Machinery-Great Dyke — iyo iri muguta reHarare — iri kudzidzisa vana kutyaira mabulldozer, front and loaders, excavators, backhoe loaders, folkliffts, dumptrucks nemamobile cranes uye inoti donzvo rayo nderekusimudzira zvipo zviri muvana vechikoro.

Chamangwiza wekambani iyi, VaThomas Muchadenyika (47), vanoti vakatanga chirongwa chekufamba muzvikoro vachidzidzisa vana kutyaira michina iyi nedonzvo rekusimudzira zvidzidzo zvemabasa emawoko.

“Takaisa hwaro hwedu hwekushanda nezvikoro kubva mumwedzi waNdira gore rino kuti tidzidzise vana kutyaira michina.

“Hurumende yakaisa chirongwa muzvikoro chekuti vana varatidze zvipo zvavo, kungava kutamba bhora, kumhanya, kuveza, kuvaka, kunama simbi nezvimwe. Saka isu tiri kufamba muzvikoro kumaruwa, kumapurazi kana kumigodhi tichidzidzisa vana michina yavanenge vasarudza ivo vachibatsirwa nevadzidzisi vavo nevabereki,” vanodaro.

VaMuchadenyika vanorumbidza hurongwa hwakaitwa neHurumende hwekuti vanotoresa zvitambi zvekutyaira motokari vapinde muzvikoro vachitoresa vana.

VaMuchadenyika vanoti pachikoro choga-choga vanosarudzirwa vana gumi vanoshaya avo vanodzidzisa pachena.

“Muzvikoro umu kune vana vanodzidziswa neBEAM avo zvakare tinotarisa kuburikdza nevakuru vezvikoro tovadzidzisawo pachena. Vana vose ava tinovapa magwaro ekuratidza kuti vabudirira muzvidzidzo izvi.

“Kune vanononoka kubata, tinovawedzera nguva kusvika vagona,” vanodaro.

 

“Kunyatsopinda muzvikoro zvakasimba tine hurongwa hwekuvamba mumwedzi waNdira gore rinouya apo tinoda kuendesa mapepa edu akakwana kubazi rinoona nezvedzidzo sezvo hwaro takaisa kare,”  vanodaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *