Mbuya nasekuru tiba!…‘Wava kundiramba nekuti ndachembera’

Kudakwashe Chinokuya
IMWE chembere yakaudza dare kuti murume wayo haachada kuiriritira nekuti anoti yakwegura uye ane nemumwe mukadzi.

Esther Chitotombe akamhan’arira Johannes Chitotombe (75) kuHarare Civil Court achiti haasi kumuriritira achimuti achembera.

“Murume uyu wamuri kuona akanzi andibhadhare $60 mwedzi woga-woga asi nhasi ava kuti haachadi nekuti ndachembera. Ini handichakwanisa kuzviriritira nekuti ndinorwara,” akadaro Esther.

“Haachadi kundichengeta nekuti ane mumwe mukadzi waava kufambidzana naye, ndiko kwava kuperera mari yake yose. Vanonyorerana tsamba dzerudo neshamwarikadzi yake achitonzi baba vaFuture ini ndichitambura.”

Johannes akaudza dare kuti haachashanda nekudaro haachakwanisa kubhadhara mari yekuchengeta Esther.

“Ini handichashanda nekudaro hakuchina kwandinowana mari yekuriritira mudzimai. Nezera rangu hapana chandichaita chinondiwanisa mari yekuti ndimuchengete.

“Hongu, ndine muchato naye zvekuti ndine kodzero dzekumubhadharira mendenenzi asi kwekuwana mari ndipo pasisina. Mudzimai uyu ava kungofungira zvakawanda nekuti achembera uye zvekuti ndine mumwe mukadzi manyepo.

“Iye ndiye akatomboita bapu rekuburitsa hembe dzangu panze akambotorwa nemapurisa. Zvekuti ndine munhu wandiri kudanana naye manyepo,” akadaro Johannes.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati Johannes abhadhare $20 pamwedzi yekuchengeta Esther.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×