— Ziva —CECIL SHUMBA

SHUMBA yakauraiwa kuHwange yainzi Cecil. Hatina kufara nekuuraiwa kweshumba iyoyi nekuti masango edu nemhuka dzawo inhaka yedu. Hatizive kuti akapa shumba iyi zita rekuti Cecil ndiani.

Asi isu hatiwanzopa mazita evanhu kumhuka. Shumba dzedu ngadzipihwe mazita ari mumitauro yedu, nekuti zita rekuti Cecil izita remuRungu, mupambepfumi Cecil John Rhodes. Chakaita kuti Rhodes azouya muZimbabwe hwaive upfumi hwezvicherwa, miti nemhuka. Kuuya kwaRhodes muZimbabwe ndiko kwakaita kuti vaRungu veBritain vapambe nyika ino kubva kuvanhu vatema, ndokuitumidza kuti Rhodesia. Kuuraiwa kweshumba inonzi Cecil kwakonzera kunyunyuta pasi rose vanhu vachishora muvhimi wekuAmerica akapara mhosva iyi.

 

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×