President vakapa chigaro cheSadc kuna Khama

MUTUNGAMIRIRI wenyika, President Mugabe, nemusi weMuvhuro svondo rino vakagashidza chigaro chehusachigaro hwesangano reSadc kumutungamiriri weBotswana, Lieutenant General (Retired) Seretse Khama Ian Khama.

President Khama vakavimbisa kuramba vachitevedza zvisungo zvesangano iri izvo zvakawiriranwa pamusangano weSadc wakaitirwa kuVictoria Falls gore rapera. President Mugabe vakagadzwa kuva sachigaro pamusangano wechi34 weSadc kuVictoria Falls muna Nyamavhuvhu wegore rapera uye vanga vachishanda nesimba mukusimudzira kubatana nebudiriro munyika dziri muSadc.

Lt-Gen Khama vakarumbidza President Mugabe nekushanda kwavakaita nesimba uye ndokuvimbisa kuramba vachitevedza gwara rakatarwa neSadc.

Mumashoko avo vari kuBotswana, President Mugabe vakadzora ndangariro panguva iyo vaive sachigaro weSadc apo pakave nebudiriro huru.

“Kubvira pamusangano wechi34 weSadc wakaitwa kuVictoria Falls, takaramba tichishanda nesimba mukuzadzikisa zvishuwo zvedu, zvekuti dunhu reSadc rive rinozvitonga, ribudirire pamwe nekukwanisa kuzvimirira,” vakadaro President Mugabe.

Vakati runyararo rwuri muSadc hurwuna kungouya asi kuti rwakavepo nekuda kwemushandirapamwe wevatungamiriri venyika dziri mudunhu iri.

Vachitaura apo vaigashira chigaro ichi, Lt-Gen Khama vakarumbidza President Mugabe nekushanda kwavakaita mukusimudzira nyaya dzemaindasitiri muSadc.

Lt-Gen Khama vakati President Mugabe ndivo vakauya nepfungwa yekuti pave nehurongwa hwekuti nyika dzeSadc dzibatane munyaya dzemaindasitiri nechinangwa chekusimudzira upfumi hwadzo. – The Herald.

 

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×