‘Mebo siyana nemurume wangu’

Nyasha Bvudzijena
MUDZIMAI wemumusha weHighfield, muHarare, ari kuchema-chema achiti akahwapurirwa murume wake nemumwe mukadzi, pedzezvo obva amumhan’arira kudare achimupomera kuti ari kumushungurudza.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Mebo Nhidza akamhan’arira Catherine Chivhinyu achida gwaro rerunyararo.

Nhidza anoti Chivhinyu ari kumupumha huroyi.

Mutongi Tilda Mazhande akapa Nhidza gwaro rinomuchengetedza.

“Ishe wangu, mai ava vari kunditi ndiri muroyi ndakatora shamwarirume yavo saka ini handisi kuzvifarira nekuti zviri kukanganisa mararamiro nechimiro changu munharaunda matinogara,” anodaro.

Anoti Chivhinyu ari kuudza vanhu mashoko ekunyepa pamusoro pemurume waari kufambidzana naye.

“Vaviri ava vakarambana uye vari kunyepa kuvanhu kuti ndiri kumhanya nemurwere ari pamapiritsi. Zvinoitawo here kuti munhu ataure zvakadaro?” anodaro.

Chivhinyu anoti haana kubvira anetsana naNhidza asi dambudziko riri pamurume waari kudanana naye.

“Nyaya iri kungonetsa Changamire ndeye murume wangu atorwa naMebo achitonyatsoziva kuti ndewangu. Ichokwadi kuti ndakamubvunza nezvenyaya iyi asi handina kumbomupopotera kana kumutuka,” anodaro.

Anoti Mebo munhu anongodanana nevarume vakawanda uye akatotiza murume wake uyo waakaita naye vana.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *