‘Ukangondiramba pari kufa munhu’

Nyasha Bvudzijena
MUDZIMAI anogara mumusha weHighfield, muguta reHarare, ari kubheja kuti anotofanirwa kudzokerana nemurume wake uye kana zvikasaitika panofa munhu.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Claudious Mafuratidze akamhan’arira Makaita Kwazvo achida gwaro redziviriro.

Mutongi Tilda Mazhande akapa Mafuratidze gwaro rinomuchengetedza.

“Ishe, mai ava vari kundivimbisa rufu kana ndikasadzokerana navo gore rino sezvo ndakabuda mumba nekuda kwekushusha kwavo ndichinogara nemumwe mudzimai.

“Vari kutoti vanoda kututa nhumbi dzavo vazogara neni kwandava kugara nemukadzi wangu mutsva,” anodaro Mafuratidze.

Anoti haadi kuti Kwazvo asvike kubasa kwake kana kumba kwaari kugara sezvo asisina chaanoda kwaari kunyangwe zvazvo vaine vana vose. “Ndinoda kuti mai ava vasiyane neni nekuti hapasisina rudo pakati pedu kana chandinoda kwavari uye vana vangu ndagara ndiri kuchengeta,” anodaro.

Kwazvo anoti Mafuratidze akamutapurira utachiona hweHIV nekudaro hazvigone kuti vasataudzane zvachose.

“Baba ava vakandizadza mukondombera, asi nhasi vava kundiunza kudare. Saka tinotopedzerana chete uye hakuna mumwe mukadzi achagara navo kumashure kwangu,” anodaro Kwazvo.

Anoti Mafuratidze akangobuda mumba oga uye ari kutoshamisika kuti haachamude.

“Murume uyu haana kundipa gupuro rekuti haachandida saka pachivanhu achiri wangu uye hazvigone kuti ndirambidzwe kusvika kubasa kwake nekuti michina yaari kushandisa takatenga tose,” anodaro.

Mutongi Mazhande anokurudzirawo vaviri ava kuti vatsvage rubatsiro vapangwe mazano ekugadzirisa matambudziko ari pakati pavo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×