Methodist yobatsira vanotambura

METHODIST Church in Zimbabwe neChipiri svondo rino yakabatsira nechikafu mhuri 54 dzinotambura kudunhu reMhondoro-Ngezi. Chikafu ichi chinosanganira hupfu, mafuta nebhinzi uye chakabva kubandiko rechechi iyi rinodaidzwa kuti Methodist Development and Relief Agency (MeDRA).Vachitaura pachiitiko ichi, Bishop Tawanda Sungai vekuHarare West District, vanoti chishuwo chavo chekubatsira vanotambura panguva ino apo vazhinji vakatarisana nenzara.

“MeDRA iripo kubatsira vanhu kuti vagare pamwe nekushumira shoko raMwari vakaguta. Tinozviziva kuti gore rino vanhu havana goho rakanaka uye kunanasekuru nanambuya pamwe chete nevamwe vana vasina kwekuwana chikafu nekuda kwekushaya vanoriritira pamwe nemari.

“Izvi ndizvo zvakatipa chido sechechi kuti tive nerimwe bandiko rinotsvaga-tsvaga mari nerubatsiro kuti vanhu ava vawane ruyamuro. SemaKristu, tinofanira kuziva pakunamata kwedu kuti tine vanhu vari munharaunda pamwe nevatinonamata navo vanoda rubatsiro,” vanodaro Bishop Sungai.

Director weMeDRA, VaClever Tabaziba, vanoti kunze kwekubatsira nechikafu, vanoyamurawo veruzhinji kuti vatange mabhindauko akasiyana. “Hatina kungomirira kupa vanhu chikafu chete. Pari zvino tiri kushanda kunzvimbo mbiri dzatiri kupa rumwe rubatsiro. KuMuzarabani nekuGokwe tiri kuita mabhindauko anosanganisira kuchengeta zvipfuyo, kukurudzira hutsanana nekucheresa zvibhorani.

“Pakuita izvi, tinotanga tabvunza vanhu vemunharaunda zvavanoda kuitirwa, toongororawo tobva tatsvaga mari. SeMeDRA, hatina kungonangana nevanamati veMethodist chete asi kuti tinopa rubatsiro kune vose vatinokwanisa kubatsira,” vanodaro VaTabaziba.

Vanoti mamwe emabhindauko avari kuita anosanganisira kupfuya huku, nguruve nyuchi nekuchengeta hove.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *