Denga ririko zvechokwadi

IMBWA HAIHUKURE SADZA

BHAIBHERI rakanyorwa kare, asi kare ikako raitoziva kuti kuchazoita vanhu vachati vari kutaura vakamirira Mwari asi ari manyepo. Bhaibheri rinoti, tiedze mweya kuti tione kuti ndeyechokwadi here, nekuti maporofita enhema awanda. Pakuedza mweya, zvakakosha kutarisa kuti zviri kutaurwa nemunhu zvinoenderana here neShoko raMwari.Kune vamwe vari kuti murume wekuti akaenda kudenga ngaavhenekwe njere. Asi kuvhenekwa njere kwemurume uyu kunenge kuchiitirwei? Chii chaicho chisina kukwana pane zvaakataura? Ko hakuna nzvimbo inonzi denga here? Ko Mwari, Jesu nevatumwa havako here? Chii chaicho chisina kukwana pakuenda kwemunhu kudenga, kana iro denga racho ririko?

Vanhu ngavarege kungomhanyira kuti zvinhu zvavasinganzwisise zvinoreva kuti munhu ave kupenga, asi vasinganongedzere pane hupenzi hwacho chaipo.

Kwandiri, murume uyu haapenge nekuti denga ririko zvechokwadi, uye haasi iye ega munhu wekutanga kutaura kuti akaenda kudenga akadzoka.

Chinhu chega chandisina kubvumirana naye ndechekuti anoti Jesu akanga akagara kuruboshwe kwaMwari. Ipapo ndipo pakaita kuti ndifunge kuti denga raakaenda harisi denga riri muBhaibheri, nekuti denga rakanyorwa muBhaibheri rinoti Jesu ari kurudyi rwaBaba, kwete kuruboshwe.

Denga ririko zvechokwadi, uye hatingazive zvizhinji nezvaro iko zvino, asi zvatinoziva nezvaro ndizvo zviri muBhaibheri. Saka kana munhu akazotsanangura denga rine imwe order yemagariro aJesu naMwari isiri yatakaudzwa naMwari, tinotanga kuve nemibvunzo. Asi hatirambe zvachose kuti denga ririko, uye kune vanhu variko.

Chimwe chisina kujeka panyaya yemurume uyu, inyaya yekuti anoti akagadzwa kuve muporofita wepasi rese. Izvozvo tinoti zvave pakati pemunhu naMwari wake. Hatigone kumupikisa nekuti paakagadzwa, isu takanga tisipo, uye hatigone kuti sei Mwari vakakoka iye, vasina kukoka Magaya kana Makandiwa.

Mwari havaudzwe zvekuita nemunhu, havaudzwe kuti chimboshevedzai nhingi kudenga nekuti denga racho nderavo, nevanhu nekiti, nembwa zvese ndezvavo uye vanoziva zvese.

MuBhaibheri, Jesu paakakwira kuenda kudenga vadzidzi vake vachiona, zviri pachena kuti Mwari vaida kuti tizive kuti akanga achienda kunzvimbo inotoveko. Izvi zvinosimbiswa nyangwe nevatumwa vakazotaura nevadzidzi vachiti, “Imi varume veGarirea, makamirireiko makatarira kudenga? Uyu Jesu akabva kwamuri akakwidzwa kudenga, achauya saizvozvo, sezvamamuona achienda kudenga.”

Saka Jesu aitoenda kune nzvimbo inonzi denga.

Kufanana nenyaya yakufa kwaStephen. Asati azotemwa nematombo, zvinonzi, “Asi iye azere neMweya Mutsvene, akatarisisa kudenga, akaona kupenya kwaMwari, naJesu amire kuruoko rwerudyi rwaMwari, akati: Tarirai, ndiri kuona denga rakazarurwa, neMwanakomana wemunhu akamira kuruoko rwerudyi rwaMwari.”

Stephen haana kuti ndiri kurota, asi akatonyatsoratidzwa denga, nezvakanga zvichiitika ikoko.

Denga ririko zvechokwadi nekuti Jesu akavimbisa kuti, “Ndinoenda kunokugadzirirai pekugara.” Zviri pachena kuti Jesu ari kutaura zvekubva pano panyika, oenda kudenga, ozodzoka zvakare ave kubva kudenga. Kana denga isiri nzvimbo, Jesu ari pai kutaura kuno?

Jesu anobva azoti, “Kana ndaenda kunokugadzirirai pekugara, ndinozouyazve ndikugamuchirei kwandiri, kuti apo pandiri, nemi mugovapowo.”

Kana chiri chokwadi kana kuri kunyepa kuti murume uyu akaenda kudenga, isu hatizive, asi chandinoziva ndechekuti denga ririko, uye Mwari vanoziva chokwadi.

Zvakakosha kuti tizive kuti manzwisisiro edu nemaonero edu haafe akafanana neaMwari. Isu tine maonero edu, asi Mwari vanotipa maziso eMweya ekuona zvikuru kudarika maonero edu.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×