Mhando nhatu dzerondedzero

Ticha Danga
TARAMBA vanozoyeuka bako mvura yemubvumbi yavany’atisa kusvika pabvupa. Mukana wekuhwanda mvura unenge uripo asi nekunonoka kuona zvinobatsira, munhu anosvika pakudopotswa kwava kuzocheuka atotota. Ndizvozvo nevana vegwaro rechinomwe. Vanozoti zvaoma paya vozoyeuka kuti kwaiva navadzidzisi, kwaiva neKwayedza, kwaiva namabhuku edzokorodzo ekuti vangadai vakabatsirika vasina kukundikana mubvunzo dzavo.

Chikamu chapfuura takaedza chose kuti tiratidze makoromorero atingaita gomo rerondedzero yenyaya dzakaitika (Narrative). Rwendo rwuno tinoda kufamba neimwe mhando yerondedzero iyo inoonekwa seyakapusa nerudhende rwevana asi vachizoridiguka kana vainyora. Rondedzero yandinoreva irondedzero yekutsanangudza zvinhu (descrpitve composition).

Rondedzero yetsanangudzo inonangana nekutsanangudza chinhu, pfungwa kana maitiro ezvinhu. Nokudaro kuti tsanangudzo iyi inyatsobuda zvakanaka, panoda kushandiswa mazwi etsanangudzo anonzi (adjectives). Mazwi aya anobatsira kuenzanisa zvinhu kuchizobatsira mamiriro chaiwo ezvinhu. Ipapo pakushandisa mazwi aya panodawo unyanzvi hwekushandisa zvirungamutauro.

Pasi pemhando iyi yetsanangudzo ndipo panoonekwa misoro inoti: “Shamwari yangu, chikoro chedu, mudidzisi, munhu wandinoyemura munharaunda, motokari yandinofarira”.

Pamisoro yose tikatarisa pane kurondedzerwa kwezvinoitwa nevanhu panoda kushanda zvipauro kunyanya.
Kuti zvipauro zvitokonye pfungwa dzemukwenyi webasa, zvinodawo kudungirwa fananidzo kana fananidzosiri.

Kana ndiri kutsanangudza mukoma wangu ndinoti, “Zigomana dema rakasvika sebarwe repachuru.” Kana ndoisa fananidzosiri ndava kuti, “ibarwe repachuru rakasvibira”.

Edza chose kusiyanisa mukoma wako nemumwe munhu wezera rake munharaunda kuti amire oga sokuti: “Handisati ndamboona hamburamakaka yerume yakadaro.” Mumusoro memukwenyi mufananidzo unobva wati tubu kwava kutoona hwitakwi kana ngangara yerume dzokono munyori otokohwa pakuru.

Tinofanirwa kuziva kuti tinorasa kana kudonhedza zvibodzwa kana tikatanga nekutsanangudza nepadumbu. Kune nzira mbiri dzakakosha kuti rondedzero dzibude tichibva kumusoro tichidzika zvichierera, iya inonzi pachiRungu (top to bottom approach). Pane dzimwewo nguva zvinoita kuti titange nekuzasi tichikwira (bottom to top approach).

Kana tonopedzisira hatihwerengedzei pfungwa huru dzatanga zvikamu dzigotipa mhedziso yamandorokwati. Rondedzero isina mhedziso yakarembera, haina kuterama.

Kune imwe mhando yerondedzero yatinonyora iyo inoburitsa hunyanzvi hwemunhu mukuziva maitiro echinhu (expository or explanatory composition). Ndipo paye munhu achinyora achitaura maitiro ezvinhu sokuti: “Magadzirirwo erupiza kana mbwirembwire”. Iyi mhando yerondedzero haidi zviye zvevanhu vanotsvanzvadzira asi kuti zvinoda munhu ane ruzivo.

Ndingapa muenzaniso wemusoro unoti: “Marukirwo enhava yengunde”. Zvavakutoda munhu anoziva kuti nhava chii. Anofanirwa zvakare kunge achiziva kuti ngunde chii. Nokudaro ukubatira zvinhu muhuro seunobata bhotoro unokundikana.

Mhando yekupedzisira tisati tapinda mutsamba imhando yerondedzero inonzi yegakava (argumentative). Iyi rondedzero inoda vane njere dzinopinza avo vanokwanisa kutsigira nekutsoropodza vachizopedzisira vatora divi rimwe chete. Iyi mhando haisi nyore nokudaro inoda vakadzidzira vakabata.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×