Mhirizhonga munhabvu bodo: Zifa

Xolisani Gwesela
Xolisani Gwesela

Abel Ndooka
SANGANO reZimbabwe Football Association (Zifa) rinoti mhirizhonga mumutambo wenhabvu haitenderwe zvachose uye vatsigiri havafanirwe kuregedzwa vachipinda nezvinokuvadza zvakaita semabhodhoro nematombo munhandare dzakasiyana dzenyika. Mashoko aya anotevera mhirizhonga yakaitika kuBabourfields kuBulawayo svondo radarika apo vatsigiri veHighlanders vakatanga kukanda matombo nemabhodhoro chikwata chavo pachakakundwa neCAPS United mumutambo weBob 91 Super Cup.

Mukushi wemashoko kuZifa, Xolisani Gwesela, anoti sangano ravo richaongorora nyaya iyi zvizere mushure mekunge raziviswa zvakaitika na“match commissioner” wemutambo uyu.

Zvakadaro, Gwesela anoti mhirizhonga haitenderwe munhabvu uye vatsigiri vemutambo uyu vanofanirwa kuenda kunotsigira zvikwata zvavo pamwe nekufara mune zvakanaka.

“Mhirizhonga haitombotenderwe munhabvu uye isu tiri kukurudzira mapurisa kuti asunge vese vanobatwa vachiita mhirizhonga munhandare.
“Vanhu vanofanirwa kuuya kubhora kuzofara kwete kutya kuzoona chikwata chavo chichitamba.

“Nhabvu haizi hondo, mapurisa ngaasunge nhubu dzose dzinoita mhirizhonga.
“Isu tiri kutokatyamadzwa kuti sei vanhu vachikwanisa kupinda nemabhodhoro pamwe nematombo munhandare,” akadaro Gwesela.

Chamangwiza wePremier Soccer League, Kennedy Ndebele, anoti sangano ravo richagara pasi nebhodhi reZifa svondo rino nedonzvo rekuti pasimbaradzwe mitemo inoranga zvakasimba zvikwata zvine vatsigiri vanokonzeresa mhirizhonga kumitambo.

“Isu tichagara pasi nebhodhi tosimbaradza mitemo yekuranga zvikwata zvinokonzeresa mhirizhonga,” akadaro Ndebele.
Zvakadaro, Ndebele anoti mitambo yePremier Soccer League haisi kuzotanga svondo rino sezvo kune fainari yeBob 91 Super Cup iyo ichaona Dynamos FC ichisangana neCAPS United.

DeMbare, sezita remadunhurirwa reDynamos, ndiyo ine mukombe uyu uyo yakahwina gore radarika.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×