Nyaya dzose na Kingstone Mapupu
MHURI inobva kwaSabhuku Nyekete, mudunhu raMambo Mangwende, kwaMurewa, inoti yashungurudzwa nezvikwambo nezvidhoma zvinoita vanasikana vavo bonde pamadiro.
Mai Hilda Dhlakama Mashonganyika (46), avo vanogara kuEastView, muHarare, vanoti dambudziko iri rave nenguva richivatambudza ivo nemhuri yavo.
“Takaroorana nemurume wangu mugore ra2002, ndokugara zvakanaka pasina dambudziko, ndokuita vana vedu vashanu, mudiki wacho ane mwedzi gumi. Tine vanasikana, mumwe ane makore 24 neane makore 23, vanoti vaona nhamo kuitwa bonde nezvikwambo nezvidhoma zvavanoona zvichiuya kwavari vakakotsira,” vanodaro Mai Mashonganyika.
Vanoti kunze kwevana ava vachirota vachiitwa bonde navo, vari kubatwawo nemweya yevanhu vavasingazivi inotaura kuti vana ava madzimai ezvikwambo.
“Zvidhoma izvi zvinosveta vana vedu ropa, izvo zvinokonzera kuti vagare vakaonda sevanhu vasingadyi. Ini chaiye ndinoyamwiwa mazamu nezvinhu zvandisingaoni, mukaka wobva waoma zvokuti mwana wangu mudiki anosara asina chekuyamwa. Anogara nenzara mwana uyu.
“Kwatinofamba zvinonzi ndizvo zvidhoma zvinondiyamwa mukaka uyu,” vanodaro Mai Mashonganyika.
“Nokuda kwedambudziko iri, semhuri, takazoguma tasvitsa nyaya iyi kwasabhuku vedu kuti titsvagirwe vanotibatsira. Izvozvi tiri kutsvaga rubatsiro rwakasimba. Vana vangu vanorwara. Kunobuda mweya inotaura pavari kuti vanotofa vose.”
Vanoti mhuri yavo yaona ndondo nezviri kuitika izvi.
“Saamai vemhuri, kana kushanda chaiko handichagona. Ndinenge ndichingofunga vana vandasiya kumba nokuti zvikwambo nezvidhoma izvi zvinorova vana chero nguva. Ndinodawo vanondibatsira,” vanodaro Mai Mashonganyika.
Vanoti pamba pavo vanoona zvakare masaramusi ezvinhu zvinofamba usiku zvavasingazivi kuti zvii.
Vanotizve vari kunetseka zvakare nenyaya yokuti vamwe veukama havadi kuti kutsvagwe nzira yekupedza dambudziko riri mumusha iri. Kwayedza yakaedza kutaura nemurume waamai ava nenhare maringe nematambudziko aya asi haina kudavirwa kusvikira nyaya ino yazobuda mupepanhau rino.
“Ndatambura veduwe-e. Kunze uko handina mufaro nevana vangu.
“Ndinotsumba kufa chaiko nokuda kwekushungurudzwa nezvidhoma nezvikwambo izvi, izvo zvinoita madiro nesu. Handina chandinacho; mari chaiyo hapana, ndapedza kutengesa zvinhu zvose,” vanodaro Mai Mashonganyika.
Madzibaba Mateu, vekuBudiriro, muguta reHarare, vanoti vemhuri iyi vanofanira kubatana, vobatsirwa pamwe chete, pasina anoenda oga kunotsvaga ruyamuro.