Mhondi yekuGuruve yauraya zvakare amai nemwana

Fungai Lupande

VAMWE vanhu vaviri vakaurayiwa zvakare nemusi weMuvhuro manheru svondo rino mubhuku raBhosha kunzvimbo yeMagaya, kuGuruve, izvo zviri kuita kuti veruzhinji mudunhu iri vagare vachitya zvakanyanya.

Vakaurayiwa ava mudzimai nemwanasikana wake aiita Form 3.

Mumwe mwana wemhuri iyi akapona neburi retsono mushure mekuhwanda pasi pemubhedha.

Izvi zvabva zvaiita kuti huwandu hwevanhu vaurayiwa kusvika parizvino husvike gumi nevaviri.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Inspector Milton Mundembe, vanotsinhira nyaya iyi vachiti iri kuferefetwa uye zvakawanda zvichaziviswa nekufamba kwenguva.

Mapurisa ari kutsvaga Anymore Zvitsva (32 uyo ari kufungidzirwa kuti ndiye ari kuita humhondi uhu achishanda nechikwata chake.

Kuurayiwa kwevanhu mudunhu iri kwakatanga munaGumiguru.

Humhondi uhu, uho huri kuitwa munguva dzemanheru, huri kumanikidzira mhuri dzakawanda dzemudunhu iri kusiya misha yavo uye vorara vakaita zvikwata kune dzimwe dzimba dzakasanangurwa.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *