Muchaneta Chimuka
MUTAURIRI wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Memory Pamire, vakakurudzira veruzhinji kuti vamhan’are nyaya dzechibharo nekukasika pachiine umboo. “Nyaya yechibharo, kunyangwe yakaitika makore makumi maviri adarika, tinokurudzira kuti imhan’arwe kuburikidza nechikamu cheVictim Friendly Unit. Zvakakosha kuti nyaya idzi dzimhan’arwe nekukasika pachiine umboo hwakakwana hunova hunobatsira mukuroverera vapari vemhosva.
“Zvinobatsira zvakare kuti mumhan’ari akwanise kutaura zvinhu achiri kutondera nemazvo.
“Asika mhosva hairovi. Vanhu ngavasatya kumhan’ara nyaya dzakadai kumapurisa nekuti aripo pakuvabatsira,” vakadaro.
Vakati vanhu ngavasununguke kumhan’ara mhosva zvisinei nekuti dzakaparwa kare sezvo mapurisa akazvipira kudziferefeta zvisinei nekuti dzakakoromorwa rinhi.




