SVONDO rino sachigaro vedunhu reSouthern Africa Development Community (SADC) – President Mugabe – vari kutambira vamwe vatungamiri vari kubva kunyika 14 dzemudunhu dzinoti: Angola, Botswana, Democratic Republic of Congo (DRC), Lesotho, Madagascar, Malawi, Mauritius, Mozambique, Namibia, Seychelles, South Africa, Swaziland, Tanzania neZambia. Kusanganisira neZimbabwe, Sadc ine nhengo 15.
Tiri pakati pekunyora, musangano wemakurukota enyika dzose idzi wange uri pakati muHarare, uyewo uchazoteverwa nemusangano wevatungamiri, kutanga musi wa29 April.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvinotambira vaenzi vose ava nemoyo uzere nemufaro. Kugadzirwa kuri kuitwa migwagwa, kunyanya mugwagwa unobva kuHarare International Airport uchipinda muguta, kunobva kwangopfekana nenyaya huru ichange ichikurukurwa navatungamiri ava paSadc Extraordinary Summit.
Iyi inyaya yokuona kuti dunhu reSadc rafambirana nenguva uyewo nezviri kuitwa pasi rose rokuona kuti maindasitiri avandudzwa (industrialisation), nokuti ndiwo musana webudiriro munyaya dzoupfumi. Hongu muvhu upfumi hurimo, asi yasvika nguva yokuti titengese zvigadzirwa kwete kuendesa zvakangodaro.
Pasina indasitiri, hapana chinofamba, morarama nezvinobva kune dzimwe nyika dzakagara dzaona kuti ipapa ndipo pane nyaya.
Kuti zvizvarwa zveSadc zvisike mabasa nokutengeserana, uyewo nokuzotengeserana nedzimwe nyika pasi rose zvinoreva kuti pane mari yakawanda nounyanzvi hunofanirwa kuiswa mukuvandudza maindasitiri edunhu rose zvaro, kusanganisira nedzimwe nyika dzinoti dziri nani. Ndokusaka varimo musangano reSadc – kuonesana navamwe vavo.
Vanhu vakawanda, kunyanya mazera echidiki, nhasi uno vari kuda kunoshandira mhiri kwamakungwa nokuti hurongwa hwavo hwemaindasitiri huri mugwara. Ndokusaka iye zvino nyika dzomudunhu rino tichipedzera mari shoma iyoyo yatiinayo kutenga zvinhu zvinobva kumatunhu iwaya.
Asi kana hurongwa huri kukurukurwa navatungamiri veSadc hukamiswa, hukachairwa nenzira kwayo, mari dzokuzvifambisa dziripo, ivavo vatiri kupundutsa, mangwana ndivo vanenge vave kuzemberana nesu nokuti zvinenge zvave kureva kuti dunhu rose rinenge rave kutengeserawo dzimwe nyika, vana vedunhu vachiwana mabasa, uyewo ugaro hwavanhu huchive pari nani!
Mukunzwisisa kwaMukwende panyaya ichazeewa iyi, izvi zvinoreva kuti maindasitiri ave nemichina yechizvino-zvino. Tabva pamichina mumaindasitiri, toendawo kuvashandi. Vanarwo here ruzivo rwokususukidza pfungwa yokusimudza maindasitiri emhando iri kufungwa?
Izvi zvinodawo kuti migwagwa, zvokufamibisa mashoko, nhandare dzendege, njanji, panomira zvikepe zvichitakura nokuunza zvinhu zvinge zvakagadzirwa kuratidza kuti nyika dziri pachokwadi kuda kuvandudza maindasitiri nokuvandudzawo magariro avanhu.
Itarisiro yedu kuti zvose zvichakurukurwa maererano nenyaya iyi zvichave zvinobatika, dunhu rosimuka.
Brig Gen Mbita:
Musangano weSadc uri kuitwa paine gore dema nokuti imwe mhare yakashanda zvakasimba kuti dunhu reSadc raive pasi poudzvanyariri riwane rusunhunguko rwakazara rakatisiya musi weSvondo.
Ava ndiBrigadier General Hashim Mbita vokuTanzania vakange vari Executive Secretary weLiberation Committee yeOrganisation of African Unity.
Wanzwa kushaika kwavanhu vakaita saanaBrig Gen Mbita nezvimwe zviri kuitwa kuSouth Africa woona kuti kupemberera zuva rorusununguko (musi wa27 April) rwavasingazivi kuti kune zvimwe zvizvarwa zvedzimwe nyika zvakati havasiye nyaya iyi, kusvika zvanaka.
Mutungamiri weTanzania, VaJakaya Mrisho Kikwete, mumashoko avakatura vakati, “Kune vanhu vashoma zvikuru vakagona kushandira nyika sezvakaitwa naVaMbita.”
Vakavatendawo basa ravakaita somunyori mukuru weLiberation Committee yeOAU. Kwamakore 20, Brig Gen Mbita vakasusukidza kuti nyika dzokuchamhembe kweAfrica dzisununguke kubva muhudzvanyiriri noupambepfumi. Nyika idzi dzinosanganisira Mozambique, Zimbabwe, Namibia, Angola neSouth Africa.
Gore rakapera mutungamiri wenyika, pamusangani weSadc kuVictoria Falls, vakavapa chiremera chapamusoro-soro, che”Royal Order of Munhumutapa” nebasa guru ravakaita mukusunguka kweZimbabwe. Vashaya vari pakati pebasa reProject to Honour Outstanding Leaders.
Zuva ravashandi rorasana negwara reSadc?
Igaroziva kuti musi waMay 1 izuva ravashandi pasi rose. Chakanetsa Mukwende ndechokuti zuva iri nezvakarongwa navashandi rakapesana zvikuru nehurongwa hweSadc.
Panze pokupawo mazano avo kuti vatungamiri venyika dzeSadc vazeye, unoona zuva iri samakore apfuura richitorwa sezuva rokutamba nyaya dzezvamatongerwo enyika.
May 1 muZimbabwe rave zuva rokunangana nokutsoropodza mutungamuri wenyika President Mugabe heHururmende yavo. Kuchazove rinhi vamwe vana veZimbabwe muchipembedza kuti “Nhasi ndezveduwo, nyamufarira zvavamwe?”
Madingindira emasangano avashandi ndiwo akandipedza, ndikaona kuti rakapepeta, rikasiya tsengwa. Zimbabwe Federation of Trade Unions vanenge vari nani. Dingindira ravo rinoti: “Workers united, more informed and ready to embrace Zim-Asset programmes.”
Zvanzi neZimbabwe Congress of Trade Unions: “Workers under siege, arise and fight on.”
United Food and Allied Workers Unions of Zimbabwe (UFAWUZ) vanoti: “Towards the refoundation of an independent, democratic and united labour movement to fight against the barbarism of neo-liberalism.”
Musandibvunza kuti zvinorevei nokuti kana neni ndakatadza kuzvimedza. Zvimondi mwi-i zvega zvega!




